Magweta aVaMunyaradzo Kereke akakwidza nyaya iyi kudare repamusoro soro neChina achipikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro wekuti VaTomana vape tsamba yekuti vageza maoko avo panyaya iyi.
WASHINGTON —
Muchuchusi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti maoko avo akasungwa pari zvino kuti vataure nezvemutongo wedare repamusoro wekuti vageze maoko avo sapirato panyaya yekubata chibharo iri kupomerwa nhengo yeparamende inomiriira Bikita West.
Magweta aVaMunyaradzo Kereke akakwidza nyaya iyi kudare repamusoro soro neChina achipikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro wekuti VaTomana vape tsamba yekuti vageza maoko avo panyaya iyi.
VaTomana vakanyora tsamba iyi, iyo inonzi certificate for private prosecution, zvinenge zvoreva kuti magweta emwana uyu anenge ochuchisa ega. Hofisi yaVaTomana yakaramba kuchuchisa nyaya iyi ichiti hapana humbowo izvo zvakapa kuti vari kufanochengeta mwana uyu, VaFrancis Maramwidze, vakwire kudare.
Mhosva iyi inonzi yakaparwa kumba kwaVaKereke kuVainona muHarare muna 2010. Asi VaKereke vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti dziri kushamisika kuti sei magweta aVaKereke akwira dare iyo nyaya iri pakati paVaTomana nemagweta emwana uyu.
Gweta raVaKereke, VaLewis Uriri, vanoti pamutemo munhu anogona kufungidzira kuti mutongo wedare unogona kuvhiringa kodzero dzake, ane kodzero yekupikisa nyaya iyi mutongo usati wapihwa.
VaUriri vanoti izvi ndizvo zviri kuitwa naVaKereke sezvo vari kuona kuti nyaya iyi ikasabatwa nenzira kwayo, inogona kuvhiringa kodzero dzavo.
Gweta riri kumirira mwana anonzi akabatwa chibharo naVaKerere, VaCharles Warara, vanoti vachaita zvose zvavanokwanisa kuona kuti kodzero dzemwana wavari kumirira dzaremekedzwa.