VaTrump Vokurudzirwa Kuudza Vatsigiri Vavo Kuti Vabaiwe Nhomba yeCovid-19

Dr Anthony Fauci

Chiremba mukuru muAmerica anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa, Dr Anthony Fauci, vakurudzira vaimbove mutungamiri wenyika yeAmerica, VaDonald Trump, kuti vakurudzire vatsigiri vavo kuti vabaiwe nhomba yekudzivirira chirwere che Covid-19.

Dr Fauci ndivo mukuru we U.S. National Institute of Allergy and Infectious Diseases, bazi rinoona nekuongorora zvirwere zvinotapuriranwa, uye varizve chipangamazano mukuru munyaya dzezvehutano chemutungamiri wenyika, VaJoe Biden.

Dr Fauci vanoti havanzwisisi kuti sei vatsigiri vazhinji vebato reRepublican Party raVaTrump vasingadi kubaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Svondo richangopera, ongororo yakaitwa nenhepfenyuro dzeNational Public Radio nePublic Broadcasting Service, dzakabatana nesangano rekuongorora, reMarist Poll, yakabuda ichiratidza kuti vatsigiri veRepublican Party vakatsigira VaTrump musarudzo yemutungamiri wenyika yegore rapera vanosvika chikamu chevanhu chinoita makumi mana nezvinomwe kubva muzana (47%) vakati havasi kuzobayiwa nhomba yeCovid-19 kunyange nhomba iyi vachikwanisa kuiwana.

Dr Fauchi vanoti zvingabatsira zvikuru kana VaTrump vakapa kurudziro iyi kuvatsigiri vavo nekuti zvinobatsira kuti nyika ikunde chirwere ichi, vachiti vanhu vasina kubayiwa nhomba iyi vanogona kutakura hutachiona uhu vagohuparadzira zvekare.

Parizvino America irikubaya nhomba iyi pavanhu vanopfuura mamirioni matatu zuva rega rega.

Nyanzvi munezvehutano, Doctor Frenki Guni, vanoti hurongwa hwekubaya vanhu nhomba huri kufamba zvakanaka zvikuru, vachiti mutungamiri wenyika, VaJoe Biden, vari mugwara rakanaka uye hurumende yavo iri kurumbidzwa nevanamazvikokota munyaya dzezvehutano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Frenk Guni