VaChindori Chininga Vanoshaya Munjodzi Yemumugwagwa

Chindori Chininga

Mumiriri we Guruve South mudare reparamende, VaEdward Takaruza Chindori Chininga, vakashaya neChitatu mutsaona yemotokari vachibva kuRaffingora vachienda kuGuruve.

Chikakarara chemotokari yaVa Chininga, chinonzi chakatadza kumira chikarova muti vachibva vafira ipapo. Gore rapera VaChindori Chininga vakamboitazve imwe tsaona vakapona nepaburi retsono.

VaChininga ndivo vaiva sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezve mighodhi nezvicherwa yakaburitsa gwaro svondo rapera raitaura pamusoro pekutsakatika kuri kuita mari zhinji yemangoda munyika.

Mutumbi wavo watakurwa neChina kubva ku Guruve uchiendeswa ku Harare. Motokari yavo inonzi yaendeswa kumba kweimwe shamwari yavo paGuruve Centre. VaJoram Gumbo mukokeri weZanu PF muparamende vanoti musangano wavo warasikirwa zvikuru pamwe chete nemhuri yekwa Chindori Chininga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Joram Gumbo



VaMoses Mare mumiriri we MDC mudare yeparamende uye vari mukomiti yemighodi nezvicherwa yaitungamirirwa nava Chindori Chininga vatiwo Zimbabwe yarasikirwa negamba chairo.


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Moses Mare