VaBiden Voparura Nhasi Musangano weHutongo Hwejekerere Pasi Rose

President Joe Biden

Musangano wehutongo hwejekerere wakakokerwa nemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, unotanga nhasi, China, padandemutande nenguva dz 3 masikati (3pm).

Musangano uyu unonzi uchaitwa kubva musi weChina 9 Zvita kusvika musi wa 10 Zvita uye uchange uchitarisa zvinokanganisa hutongo wejekerere, uchipawo mukana kuvatungamiri vedzimwe nyika kuti vabude pachena vachitaridza kuzvipira kwavo mukusimudzira hutongi hwejekerere.

Musangano uyu unobva pachido chaVaBiden chekukurudzira nyika dzepasi pose kuti dzisimbise hutongi hwejekerere, uho vamwe vanoti hwakadzikira pasi rose kusanganisira muAmerica zvichitevera hutongi hwevaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump.

Bazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, reState Department, rinoti ongororo yarakaita inoratidza kuti zvinhu zvikuru zvinodiwa zvinosanganisa kudzivirira hutongi hwehumbimbindoga, kurwisa huori nekukurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.

Zimbabwe haina kukokwa kumusangano uyu asi dzimwe nyika dzemuAfrica dzakakokwa kumusangano uyu dzinosanganisa Angola, Botswana, DR Congo, Ghana, Kenya, Liberia, Malawi, Namibia, South Africa neZambia.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paWellesley College, mudunhu reMassachusetts, Muzvinafundo Chipo Dendere, vaudza Studio 7 kuti musanagano uyu ndewekutanga uye uchange uchitora nzvimbo muna Ndira gore roga roga.

Vanoti iyi inzira yaVaBiden yekukurudzira nekubatsira nyika dziri kuedza kutevera gwara rehutongi hwejekere pasi pose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Chipo Dendere