WASHINGTON —
Bazi remuAmerica rinopa rubatsiro pasi rose, reUnited States Agency For International Development, USAID, rinoti rashandisa mari inodarika mamiriyoni makumi matatu emadhora mukutsigira zvirongwa zvekurima pasi pechirongwa che Zimbabwe Agricultural Income and Employment Development Program, ZIM-AIED.
Kambani iyi yakapihwa mari inosvika mamiriyoni gumi emadhora, iyo iri kushandiswa muchirongwa cheAgritrade Revolving Fund.
Chirongwa ichi chiri pasi pemabhangi anoti Central Bulding Society, Micro King Finance pamwe neTrust Bank. Pasi pechirongwa ichi varimi vanopihwa zvikwereti zvekutenga zvinhu zvavanoshandisa mukurima.
Mumwe weavo vari kuwana rubatsiro pasi pechirongwa ichi, ndi Amai Raphina Beselemu vekuGoromonzi. Amai Beselemu vakakwanisa kutanga chitoro kwaMutoko chinotengesa mbesa nezvimwe zvinodiwa pakurima.
Amai Beselemu vanoti vari kutengesa zvekushandisa mukurima muchitoro chavo, uye vane mamwe mabhisinisi ekutengesa huku nezvimwewo.
Amai Beselemu vanoti vari mushishi rekubvisa mari yekubhadhara chikwereti chavo mwedzi wega wega kuitira kuti vazopihwa imwe mari kana kana voda kukwereta yakawanda.