Mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaBruce Wharton, vanoti nyika yavo inoramba ichitarisa mamiriro ezvematongerwo enyika muZimbabwe senzira yekuona kuti ingagadzirisa here kana kuti kwete hukama hwayo neZimbabwe.
Vachitaura nevatori venhau mushure mekushanyira Naletale Monument kuShangani neChitatu, VaWharton vakati ivo nevamwe vanoshanda pamuzinda weAmerica muHarare, vanogara vachipinda mumisangano nevanhu vakasiyana siyana kusanganisira vakuru vakuru vehurumende senzira yekuongorora kudyidzana pakati peZimabwe neAmerica.
America yakatemera zvirango kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vamwe vakuru vakuru vehurumende, uyewo nemamwe makambani ehurumende izvo zvinonzi naVaMugabe hazvizi pamutemo uye zviri kukanganisa hupfumi hwenyika.
Asi VaWharton vakati muzinda wavo unoshanda uchiita zvose zvaunogona kuti hurumende yeAmerica izive zvinenge zvichiita muZimbabwe kuitira kuti igokwanisa kutora matanho akafanira ekudyidzana. Vakaenderera mberi vachiti mitemo yakaipa yemunyika ndiyo iri kuita kuti zvehupfumi zvisafamba zvakanaka kwete zvirango.
VaWharton vakange vanoshanyira Naletale Monument kuti vaone basa riri kuitwa neveNational Musuem and Monuments of Zimbabwe, NMMZ, mukunhadzurudza nzvimbo iyi mushure mekunge muzinda weAmerica wapa mari inopfuura makumi matanhatu ezviuru zvemadhora kuti basa iri riitwe.
VaWharton vakati basa riri kuitwa rekunhadzurudza nzvimbo yeNaletale muenzaniso wekudyidzana kwakanaka pakati peAmerica neZimbabwe kunobatsira vanhu vemuZimbabwe.
VaWharton vakati Zimbabwe sedzimwe nyika dzepasi rose inofanirwa kuita zvakafanira kuti iwane vanhu vekunze vanoshanyira nyika. Asi vakatiwo Zimbabwe ine nzvimbo dzekushanyira dzakawanda dzakanaka pamwe nevanhu vane rudo nerunyararo izvo zvinogona kuita kuti vanhu vanoshanyira nyika varambe vachiwanda.
Kunhadzurudzwa kweNaletale kuri kuitwa neveNMMZ, vachishanda nevadzidzi vekuMidlands State University pamwe nevekuUniversity of Zimbabwe.
Mumwe mudzidzi, Nyasha Gurira, uyo ari kuita zvidzidzo zvepamusoro zveCultural Heritage Studies anoti kunhadzurudzwa kwenzvimbo iyi kunobatsira vadzidzi vakaita saye pamwe chete neveruzhinji.
VeNational Monuments and Museums of Zimbabwe vanoisa Naletale Monument, panzvimbo yechitatu mushure meVictoria Falls neGreat Zimbabwe kuchitariswa nzvimbo dzakakosha munyika. Naletale ndeimwe yenzvimbo dzakawanda munyika dzakavakwa nematombo nevanhu vanofungidzirwa kuti ndivo madzitateguru evaShona vari muZimbabwe pari zvino.
Mutevedzeri wegurukota rezvekushanya, VaEpmarcus Kanhanga, pamwe nemukuru mukuru weZimbabwe Tourism Authority, VaKarikoga Kaseke, vakaperekedza VaWharton kuNaletale vakatendawo muzinda weAmerica nekupa kwayakaita mari yekunhadzurudza nzvimbo iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Taurai Shava