Dare reSupreme Court muAmerica Rinorasa Chikumbiro ChaVaTrump Chekuti Zvakabuda Musarudzo Zviraswe

  • Jonga Kandemiiri

Dare reSupreme Court remuAmerica.

Dare repamusorosoro remuAmerica, reSupreme Court, neChishanu rakarasa nyaya yakanga ichitsigirwa nemutungamiri wenyika VaDonald Trump yekuti dare rirase zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, izvo zvakaratidza kuti VaJoe Biden ndivo vakakunda.

Danho redare reSupreme Court iri rasvitsa kumagumo kurwisa kwaVaTrump kwekuda kuti vatongi vematare ematunhu nevatongi venyika vatambire chikumbiro chavo.

Mumutongo waro muchidimbu, dare repamusorosoro iri rakati dunhu reTexas harina masimba ekuendesa kumatare matunhu anoti Michigan, Georgia, Pennsylvania neWisconsin nekuti harina kuratidza zvikonzero zvinotambirika zvingaita kuti ripindire mukuitwa kwesarudzo nerimwe dunhu.

Vatongi vanoti Justice Samuel Alito naJustice Clarence Thomas, vakambenge vati dare harina masimba ekurasa nyaya dziri pakati pematunhu, vachiti vaifanirwa kunzwa chinyunyuto chedunhu reTexas.

Asi havaikwanisa kuita zvaidiwa neTexas pachimirirwa kugadziriswa kwenyaya nekusendekwa kwemavhoti makumi matanhatu nemaviri kana kuti 62 akawanikwa naVaBiden kubva kumatunhu mana aya.

Vatongi vatatu vakadomwa naVaTrump vari kudare repamusorosoro iri.

Mukuedza kwavo kuti mutongi wavakadoma, Justice Amy Coney Barrett, vakasike kutoreswa mhiko, VaTrump vakati vaidikanwa kuitira kuzobata nyaya dzaizosvitswa kumatare dzine chekuita nesarudzo.

Justice Barrett vanoratidza kunge vakapindawo mukunzwikwa kwenyaya dzose svondo rino. Pavatongi vakadomwa naVaTrump vose, hapana zvinoratidza kuti vakapesana nevamwe vatongi munyaya dzose idzi.

Mutongo uyu wakave wepiri svondo rino wekuraswa kwezvikumbiro zvebato reRepublican zvekuda kuti dare iri ripindire mune zvakabuda musarudzo dza 2020.

Nemusi weChipiri vatongi vedare vakarasa zvakare chikumbiro chakanga chasvitswa kudare nenhengo dzebato reRepublican dziri mudunhu rePennsylvania.

Chikwata chevanhu vanodomwa nematunhu ose emuAmerica chinovhota chichisarudza mutungamiri wenyika, kana kuti Electoral College, chiri kusangana neMuvhuro kuti chisarudze zviri pamutemo VaBiden semunhu achazove mutungamiri wenyika.