Magweta aVaTsvangirai Anonzi Haana Mhozva Yaakapara

  • Thomas Chiripasi

Londra

Dare repamusoro-soro re Supreme Court rarasa mutongo wakaturwa nedare repamusoro re High Court wekuti magweta emutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, asungwe achipomerwa mhosva yekuzvidza dare.

Vachitura mutongo wedare repamusorosoro neChina mushure mekunzwa chikumbiro chasvitswa kudare naVa Lewis Uriri, vanove gweta raVa Tsvangirai, mutevedzeri wemukuru wevatongi munyika, Va Luke Malaba, vati hapana humbowo hwasvitsa kudare ravo hunoratidza kuti magweta aimirira Va Tsvangirai panyaya yekusafambiswa zvakanaka kwavanoti kwakaitwa sarudzo akazvidza dare repamusoro.

Mutongi wedare repamusoro, Va Chinembiri Bhunu, vakatura mutongo gore rapera waisungira hofisi yegweta guru rehurumende pamwe nemapurisa kuti aferefete magweta aVa Tsvangirai mushure mekunge magweta aya audza dare kuti kuenda kumatare kwaingova kupedza nguva sezvo vachiziva kuti matare ane divi raakarerekera panyaya yakanga yakwidzwa kudare.

Va Tsvangirai vakaenda kumatare vachida kuti mapepa akashandiswa musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru gore rapera avhurwe nekomisheni inowona nezvesarudzo ye Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC asi izvi zvakarambwa nedare repamusoro.

Mutongo waturwa nedare repamusorosoro watsinhirwa naVa Uriri avo vati magweta emapato ese anga ari mudare anga achiwirirana kuti hapana mhosva yakaparwa nemagweta aVa Tsvangirai zvingakodzere kuti asungwe.

Panyaya yemapepa akashandiswa pakuvhota, hapana chichachinja sezvo Va Uriri vaudza dare iri kuti hapana chichachinjisa zvinhu pakatariswa mamamiriro akaita zvinhu munyika pari zvino.

Gweta ranga rakamirira ZEC, Va Tawanda Kanengoni, vati magweta ose abvumirana kuti asiyane nenyaya yekuti mapepa akashandiswa pakuvhota avhurwe kuti averengwe patsva.

Dare repamusoro rakanga ratura mutongo wekuti ZEC haisungirwe kuvhura mapepa akashandiswa pakuvhota.

Pakaitwa sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru, Va Tsvangirai vakazoenda kudare vachiti mapepa akashandiswa pakuvhota musarudzo idzi aifanirwa kuti avhurwe overengwa patsva vachida kuzoshandisa humbowo uyu pachikumbiro chavakanga vasvitsa kudare chekuti zvakabuda musarudzo idzi zvisendekwe parutivi.

Asi Va Tsvangirai vakazobvisa chikumbiro ichi vachigunun’una dare repamusoro rakavanyima mukana wekuti vatore humbowo hwavaida kuzoshandisa muchikumbiro chavo kubudikidza nekurambwa kwakaitwa nedare repamusoro kuti ZEC iburitse pamwe nekuverenga patsva mapepa akashandiswa pakuvhota.

Mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanga vakamiririrwa negweta ravo Va Terence Hussein.

Va Mugabe vakakunda Va Tsvangirai zvine mutsindo musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru gore rapera asi Va Tsvangirai vanoti sarudzo idzi dzkabirirwa zvemhando yepamusoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi