HARARE —
Mutungamiri weMDC huru, Va Morgan Tsvangirai, vanoti kunyange hazvo Zanu PF yakabirira musarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru, vacharamba vachirwira hutongi hwejekerere munyika uye vachasvitsa nyaya yekusafambiswa zvakanaka kwesarudzo kusangano renyika dzepasi rose re United Nations.
Vachitura mashoko avo ekupera kwegore pamwe nezororo rekisimusi kuvatori venhau neChishanu pamuzinda webato ravo pa Harvest House mu Harare, Va Tsvangirai vati kunyange hazvo sarudzo dzemusi wa 31 Chikunguru dzisina kufamba zvakanaka, vacharamba vachiedza napose pavanogona napo kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.
Va Tsvangirai vati kunyange sarudzo dzakabirirwa pachishandiswa kambani ye ku Israel ye Nikuv, vane humbowo hwekuti sarudzo idzi dzakanyanyoshandiswa vari muchiuto kuti dzibirirwe. Vati vachasvitsa nyaya iyi kumasangano akaita se SADC, African Union pamwe ne United Nations.
Va Tsvangirai vati chiri kudiwa isarudzo itsva dzinoitwa zviri pachena vachiti kukunda kwakaita Va Robert Mugabe nebato ravo re ZANU PF hakurevi chinhu kana veruzhinji.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi re Zimbabwe Electoral Commission panguva iyo taenda pamhepo.
Va Tsvangirai vatora mukana uyu kushorawo bhajeti rakaturwa negurukota rezvemari, Va Patrick Chinamasa, neChina muparamende vachiti harina zvarinazvo zvinoita kuti hupfumi hwenyika husimukire.