VaTsvangirai neBato Ravo Vopikisa Zvakabuda Musarudzo

  • Thomas Chiripasi

Tsvangirai Final Rally

Mutungamiri weMDC huru, VaMorgan Tsvangirai, vasvitsa zviri pamutemo mapepa avo mudare repamusoro soro vachikumbira dare iri kuti tisatambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa musi wa 31 Chikunguru.

VaTsvangirai nebato ravo vari kuda kuti sarudzo idzi dzidzokororwe mukati memazuva makumi matanhatu vachiti Zimbabwe Electoral Commission, haina kufambisa basa rayo zviri pamutemo, uye nenzira yakanaka.

Vachitaura nevatori venhau panze pedare iri neChishanu, mutauriri weMDC-T, Va Douglas Mwonzora, vanoti bato ravo rine zvikonzero gumi nezvishanu zvarasvitsa kudare zvinoratidza kuti sarudzo dzakabirirwa sei ne Zanu PF.

VaMwonzora vanoti vave nehumbowo hunoratidzawo kuti vanhu vakatyisidzirwa zvikuru pamberi pesarudzo pamwe nezuva rakaitwa sarudzo dzacho.

VaMwonzora vanotiwo pari zvino havasati vapihwa gwaro revavhoti raifanira kushandiswa nebato ravo pasarudzo idzi kunyange mutemo uchiti mapato anenge achikwikwidza musarudzo anofanira kunge apihwa gwaro revavhoti iri sarudzo dzisati dzaitwa.

VaMwonzora vanotiwo bato ravo rine humbowo hwekuti mamwe masoja nemapurisa akavhota zvakare musi wa 31 Chikunguru kunyange hazvo vakange vafanovhota pasi pe special vote.

MDC-T inotiwo pane vanhu vakawanda vari mugwaro revavhoti vakanyorwa kakawandisa mugwaro revavhoti iri, izvo rinoti zvinotyora mutemo wesarudzo.

Zvichitevera magwaro asvitswa mudare naVaTsvangirai, mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, havachakwanisa kugadzwa zviri pamutemo kudzamara matare apedza kutonga nyaya yava mumatare.

Pasi pemutemo wenyika, nyaya iyi inofanira kunge yapera kuzeyiwa mukati memasvondo maviri.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi