VaTsvangirai Vanoti Nhaurirano neZanu PF Hadzina Chimuko

  • Thomas Chiripasi

VaTsvangirai(L) naVaMugabe (R)

Mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti bato ravo harichade zvenhaurirano ne Zanu PF dzekuedza kupedza matambudziko akatarisana nenyika vachiti chave kudikanwa kuvandudza mitemo yose inoita kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House neChishanu, Va Tsvangirai vati komiti yavo yepamusoro ye national executive yakabuda nechisungo chekuti bato ravo risiyane nenyaya yenhaurirano ne Zanu PF mushure mekunge vaona kuti Zanu PF haina kuzvipira kunhaurirano idzi.

Zanu PF yakamboti Va Tsvangirai vanofanira kutanga vabvuma kuti vakakundwa musarudzo dzegore rapera nemutungamiri wenyika uye vari mutungamiri we Zanu PF, Va Robert Mugabe. Asi Va Tsvangirai vari kuramba vakatsika madziro vachiti sarudzo idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro-soro.

Zvichitevera sarudzo idzi pamwe nekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika zwave kukonzera kuti veruzhinji vanhonge svosve nemuromo, Va Tsvangirai vakanga vave kukurudzira kuti paitwe nhaurirano pakati pemapato ose ezvematongerwo enyika, vemasangano anoshanda akazvimirira, vashandi pamwe nevashandirwi asi vanoti izvi zvakona n’anga murapwa achida.

Vati chave kudikanwa kugadzirisa mitemo pamwe nezvose zvinoita kuti munyika nehutongi hwejekerere

Va Tsvangirai vatiwo bato ravo riri kuda kuti mitemo yose inobata mafambisirwo esarudzo ivandudzwe uye vazivisa kuti bato ravo harisi kuzopinda mune dzimwe sarudzo pasina chachinja.

Vatiwo bato ravo riri kuda kuti gwaro revavhoti rivandudzwe uye kuti gwaro iri riphwe kumapato ose ezvematongerwo paine nguva.

Vati bato ravo rave nehumbowo hutsva hunoratidza kuti sarudzo dzakabirwa sei uye vati zvimwe zvezvinhu izvi zvinobuditsa pachena kuti madzishe akatumirwa vechiuto kuti avavhundutsire pamwe nekuitisa vanhu mapungwe kuitira kuti vagovhotera Zanu PF.

Vatiwo vave nuhumbowo hwekuti kambani yeku Israel yavari kupomera mhosva yekushandiswa ne Zanu PF mukubirwa kwesarudzo yakashandiswa sei kuti vanhu vatadziswe kuvhota uye vanoti kambani iyi yave kudzidzisa zvizvarwa zve Zimbabwe kubirwa kwesarudzo ichishanda iri ku KGVI.

Mumwe mugari wemu Harare, Muzvare Paidamoyo Mhizha, vanoti zvaitwa ne MDC zvekusiyana nenhaurirano hazvina musoro uye vati zvinoratidzawo kuti bato iri harizivi zvarinoda.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri we Media Centre, Va Earnest Mudzengi, vatiwo danho ratorwa ne MDC kurasa mukana wanga uine Zimbabwe kuti igadzirise zviri kunetsa munyika.

Va Mudzengi vatiwo havawone Zanu PF ichizovandudza zvose zvinoita kuti mnyika muve nehutongi hwejekerere iri yoga.

Zvichakadai, mutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, vanoti zviri kutaurwa ne MDC izvi hazvivashayise hope vachiti bato ravo rakakunda zviri pachena musarudzo. Vanotiwo vari mubishi rekuzadzisa chirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika che Zimasset.

Va Gumbo vanoti mu Zimbabwe hamuna dambudziko ririmo uye izvi zvakabuda pachena pamusangano wevatungamiri venyika dziri kuchamhembe kwe Africa we SADC wakaitirwa ku Victoria Falls uyo wavati hauna kana kumbobata-bata nyaya yezvinonzi zviri kunetsa mu Zimbabwe.

Va Gumbo vati komisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika ye Zimbhabwe Electoral Commission iri pakati pekutarisa mitemo inowona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika kuti iringane nebumbiro idzva remitemo yenyika. Vakurudzira MDC kuti idzokere kuvanhu inotsvaga rutsigiro yakamirira sarudzo dzemuna 2018.

Mune imwewo nyaya, nhengo nomwe dze MDC-T dziri kupomerwa mhosva yekukanganisa motokari nevanhu kufamba zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nevechidiki vebato iri musi we Muvhuro dzicharamba dziri muhusungwa kunyange hazvo mutongi wedare ramejasitiriti akati abvumidza vanhu ava kubhadhara mari yechibatiso.

Izvi zvinotevera danho ratorwa nemuchuchisi wenyaya iyi kushandisa chikamu 121 chemutemo we Criminal Procedure and Evidence Act icho chinoti hurumende inogona kukonzera kuti vasungwa vagare mutirongo kwemazuva manomwe yakamirira kukwidza nyaya iyi kudare repamusoro.

Vasungwa ava vanosanganisira Amai Ronia Bunjira vanove nhengo yeparamende avo vakapinda muparamende vachiita zvekudomwa nebato ravo kana kuti proportional representation.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi