VaTsvangirai Vanoti Nhengo Dzavo Hadzirohwe Dzakapeta Maoko

MDC supporters have stuck to their leader Morgan Tsvangirai over the years. (Photo: MDC Facebook Page)

Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nhengo dzavo hadzingarambi dzichirohwa mazuva ose dzakapeta maoko nenhengo dzeZanu PF.

Vachitaura pamusangano mumusha weAlaska, muChinhoyi, VaTsvangirai vati zviri pachena kuti mapurisa havasi kudzivirira nhengo dzavo kumhirizhonga zvichitevera kuda kunganganiswa kwemusangano wavo nenhengo dzeZanu PF neChishanu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa

VaTsvangirai vayambira mapurisa neZanu PF kuti ivo nevamwe vatungamiri vebato ravo havafanirwe kuwanirwa mhosva kana nhengo dzavo dzave kuzvidzivirira kana dzorwisa nenhengo dzeZanu PF sezvaitika neChishanu kuAlaska.

VaTsvangirai vati vanga vofunga kuti nyaya yemhirizhonga yainge yapera.

Musangano weMDC-T waitwa zvechisimba mushure mekunge nhengo dzeZanu PF dzaedza kutadzisa kuti musangano uyu usaitwe apo vanga vachiimba nekutyisidzira nhengo dzeMDC-T.

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga anga achingombeya mbeya kusvikira musangano wapera.

Mashoko aVaTsvangirai atsigirwa nemukuru wevechidiki mubato reMDC-T, VaHappymore Chidviva Gondo, avo vati hakuna munhu anonzi ndiye ega anogona kuita mhirizhonga.

VaTsvangirai vataurira nhengo dzavo kuti vanyorese kuitira kuti vave vavhoti nekuti kuvhota chete ndiko kunoita kuti Zanu PF ibve pachigaro.

Vaenderera mberi vachiti ivo chete ndivo vane zano rekuti nzara ipere munyika sezvo mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vakundikana.

VaTsvangirai vati kunyange VaMugabe vakanyorerana zvibvumirano zvakawanda zvekuti vapiwe ruyamuro rwemari, hakuna mari yavanowana kunyange kubva kushamwari dzavo dzeku China.

VaTsvangirai vari kushanya kwemazuva mana muMashonaland West vachisangana nevatsigiri vavo...