VaTsvangirai Vanoshora VaMugabe paRufu rweNhengo yeMDC

  • Thomas Chiripasi
Mutungamiri we MDC huru, Va Morgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, ndivo vari kukonzeresa kusawirirana kuri mu MDC-T pari zvino.

Va Tsvangirai vataura izvi parufu rweimwe nhengo yebato ravo mumusha unogara veruzhinji weMbare muguta re Harare.

Vachitaura parufu rwaVa Freggie Dhungwa Mutambu avo vakashaya neMuvhuro, Va Tsvangirai vanoti vakashamiswa zvikuru kunzwa Va Mugabe vachitsigira nhengo dze MDC-T dziri kuvapandukira.

Va Mugabe vakaudza vanhu pamhemberero dzekusvitsa kwakaita nyika makore makumi matatu nemana yawana kuzvitonga kuzere nemusi weChishanu svondo rapera kuti vasiri kuwirirana naVa Tsvangirai vakaita saVa Elton Mangoma nevamwe vavo vakasununguka kuumba ravo bato vosiyana ne MDC-T.

Asi Va Tsvangirai vanoti zvave pachena kuti Va Mugabe ndivo vari kutokonya moto kuti ubude hutsi.

Asi mutauriri we Zanu PF, Va Rugare Gumbo, vaudza Studio 7 kuti bato ravo harina chekuita nekusawirirana kuri mu MDC-T.

Asi imwe nhengo ye MDC-T iyo yakadzingwa mumusangano uyu mwedzi wapera,zvakare vari mumwe ari kuda kuti Va Tsvangirai vasiye matomhu, Va Jacob Mafume, varamba mashoko ekuti vari kushanda ne Zanu PF.

VaTsvangirai vaenderera mberi vachiti havashayiswe hope naVa Mangoma nevamwe vavo vari kuvapandukira vachida kuti vabve pahutungamiri hwe MDC-T vachiti Va Mangoma havatombozivi zvakaumbirwa MDC.

Asi Va Mafume vanoti chiri kudiwa ndechekuti vana ve Zimbabwe vabatane vakwanise kubvisa Zanu PF muhutongi zvisinei nekuti ngana akanga aripo kana kuti ngana akanga asipo pakavambwa MDC muna 1999.

Mashoko akaburitswa nebepanhau re Mail and Guardian anoti Va Mangoma nevamwe vavo vari kuda kuumba bato remushandirapamwe nemamwe mapato anopikisa Zanu PF asi Va Tsvangirai vachange vasiri mumushandirapamwe uyu.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMangoma panyaya iyi.

Panyaya yemufi, Va Tsvangirai vatsanangura mufi semunhu akanga akashinga zvikuru uye aida kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Va Freggie Dhungwa avo vaizivikanwa nezita rekuti Mutambu, vakamborohwa zvakaipisisa nemasoja anochengetedza pamba paVa Mugabe pa State House apo vakabatwa vaine vamwe vatsigiri veMDC muna 2008.

Va Mutambu vafa vave nemakore makumi masere nemaviri ekuberekwa uye mwana wavo, Sheila, ati baba vake vakanga vari munhu akanga akashinga mukurwira shanduko kunyange hazvo vanga vabva zera saivo VaMugabe.

Va Dhungwa Mutambu ndevamwe vevanhu vakavamba MDC muna 1999 kunyange hazvo vasina kana chigaro chavanga vainacho.

Vasiya mudzimai, Constance Mupfuka Dhungwa, vana vasere pamwe nevazukuru vane chitsama. Mufi akatarisirwa kuvigwa kumarinda eWarren Hills mu Harare neChitatu.