VaTsvangirai Vanoti VaMbeki Mutengesi, Ngavakumbire Ruregerero

  • Thomas Chiripasi

VaThabo Mbeki

Mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, vapomera neChitatu vaimbova mutungamiri we South Africa, Va Thabo Mbeki, mhosva yokushanda pamwe chete nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, mukubirirwa kunonzi kwakaitwa sarudzo dzemuna 2002.

VaTsvangirai vatiwo Va Mbeki vanoziva zvakaitika pasarudzo dzemuna 2008 idzo dzakazokonzera kuti pawumbwe hurumende yemubatanidzwa mushure mekunge VaTsvangirai vakunda VaMugabe musarudzo idzi.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House zvichitevera kubuda kwakaita gwaro revatongi vematare edzimhosva veku South Africa, reJudicial Observer Mission, iro rakange richiongorora sarudzo dzemuna 2002, Va Tsvangirai vapomera hurumende yeSouth Africa yaiva pasi paVa Mbeki mhosva yekushanda neZanu PF mukudzvanyirira zvido zvevana veZimbabwe.

Zvichitevera sarudzo dzemutungamiri wenyika dzemuna 2002, Va Tsvangirai vakaenda kumatare vachiti sarudzo idzi dzakange dzabirirwa naVaMugabe, asi kusvika pari zvino matare haasati atura mutongo panyaya iyi.

Nekune rumwe rutivi, bepanhau reku South Africa rakaenda kumatare richida kuti gwaro revaongorori ve South Africa ava ribuditswe pachena asi rakazobuda nemusi weChishanu svondo rapera mushure mekunge matare epamusoro soro munyika iyi ati gwaro iri riburitswe.

Hurumende yeSouth Africa yakanga yapikisa kuburitswa kwegwaro iri.

VaTsvangirai vaendererera mberi vachiti pakaitwa musangano wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa muguta guru re Zambia re Lusaka muna Kubvumbi 2008, Va Mbeki vakataurawo zvakare kuti mu Zimbabwe maizoitwa sarudzo dzemutungamiri wenyika dzechipiri, kana kuti presidential runoff, kunyange hazvo zvakange zvabuda musarudzo zvakange zvisati zvave kuzivikanwa.

Vati izvi zvinoratidza kuti Va Mbeki vakange vachiziva zvose zvakanga zvichiitwa neZanu PF pakange pakapfimbikwa zvakange zvabuda musarudzo izvo zvakatora nguva inodarika mwedzi mumwe chete zvisati zvaziviswa kune veruzhinji.

Zvichakadai, mukuru wesangano rinoongorora nyaya dzekufambiswa kwesarudzo munyika re Election Resource Centre, Va Tawanda Chimhini, vanoti hurumende ye South Africa inofanira kukumbira ruregerero panyaya iyi kuvana veZimbabwe.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende ye South Africa panyaya iyi.

Gwaro re Judicial Observer Mission iri rinotiwo sarudzo dzemuna 2002 hadzina kufambiswa zvakanaka uye rinoti pakange pane mhirizhonga yakanyanyisa yakavhiringa hupenyu hwenhengo dze MDC, vatungamiri vebato iri vakasungwa pamberi pesarudzo uyewo kuti gwaro revavhoti rakanga risiri mumawoko e MDC.

Kunyange hazvo pakaitwa dzimwe sarudzo kubva muna 2002, MDC-T ichiri kungochema nenyaya dzimwe chetedzo uye kusvika pari zvino bato iri rinoti harisati rave negwaro revavhoti. Va Tsvangirai vati kubva muna 2000 pakaitwa sarudzo dzeparamende, Zimbabwe haisati yamboita sarudzo dziri pachena.

Zvichakadai, Va Tsvangirai vati kusawirirana kuri kuitika mu Zanu PF kunoratidza kuti Va Mugabe havasisina nguva yakareba vari muhutongi.

Izvi zvinotevera mashoko emudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vari kukurudzira kuti mutevedzeri wemurume wavo mubato nemuhurumende, Amai Joice Mujuru, vasiye chigaro chavo vachivapomera mhosva dzehuori, kusagona basa pamwe nekuronga zvekubvisa Va Mugabe pachigaro zvechisimba.

Kunyange hazvo vachiti gakava riri mu Zanu PF harinei nebato ravo, chinovarwadza sebato ndechekuti veruzhinji ndivo vari kutambura uku vari muhurumende vachiswera vachirwira masimba.

Asi Amai Mujuru vari kuramba mhosva dzose dzavari kupomerwa vachiti mawoko avo akachena semukaka uye vanoti vakatokwidza nyaya iyi kumagweta avo nepamusana pekusvibiswa kwavanoti kuri kuitwa zita ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi