Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti semutungamiri webato, basa ravo nderekuona kuti zvisungo zvakaitwa nekongiresi yavo gore rapera, zvatevedzwa nemunhu wese, kusanganisira ivo VaTsvangirai.
VaTsvangirai vataura mashoko aya zvichitevera mashoko ekuti VaTsvangirai vari kunetsana zvakanyanya nemutevedzeri wavo, Muzvare Thokozani Khupe, avo vanonzi vaida kuti MDC-T ipinde musarudzo dze by elections, zvisineyi kuti kongiresi yakabuda nechisungo chekusapinda musarudzo kudzamara zvinhu zvagadziriswa.
VaTsvangirai vanoti zvekuti havasi kuwirirana naMuzvare Khupe panyaya iyi ndezvenhema sezvo Muzvare Khupe vachiziva zvavakaudzwa nekongiresi kuti vaite.
Bato reMDC rinoti VaTsvangirai naMuzvare Khupe vachange vari kuMatabeleland mukupera kwesvondo vachizivisa vatsigiri vavo danho rekusapinda musarudzo kudzamara hurumende yagadzirisa zvisina kumira zvakanaka musarudzo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai