VaTsvangirai Vokurudzira Kusimbaradzwa kweZvirongwa zveHupfumi

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ripi zvaro rinenge rakunda musarudzo dzegore rinouuya, rinofanirwa kuenderera mberi nechirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika, cheMedium Term Plan, kana kuti MTP, nekuti ndicho chete chirongwa chichakwanisa kusimudzira hupfumi hwenyika.

VaTsvangirai vataura pamusangano wekuongorora kuti chirongwa cheMTP chakafamba sei mugore racho rekutanga. Chirongwa ichi ndechemakore mashanu, uye chakaparurwa muna Chikunguru gore rapera.

VaTsvangirai vatiwo zvakakosha kuti pave nesarudzo murunyararo vachiti munyika hamugoni kuve nebudiriro kana muine mhirizhonga.

VaTsvangirai vatiwo hapana muonera pamwe pavatungamiri vehurumende yemubatanidzwa izvo vati zviri kukanganisa zvikuru mabasa ekusimudzira hupfumi hwenyika.

Gurukota rinoona nezvekurongwa kwehupfumi, VaTapiwa Mashakada, vati MTP haina kunyatsobudirira sezvaitarisirwa mugore rekutanga nekuda kwezvinhu zvakati kuti zvinosanganisira kushaikwa kwemari.

Zvichakadai, mapurisa ebazi re Police Band aramba kuimba chimbo chenyika, National Anthem, achiti aizoita izvi chete kana mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vave patebhuru yange iine vakuru vakuru. Amai Mujuru, avo vange vachifanira kuvepo pachiitiko ichi, vatumira gurukota remuhofisi mavo, VaSylvester Nguni kuti vavamirire.

VaAguni vaudza mapurisa aya kuti ndivo vange vakamirira Amai Mujuru asi mapurisa aya aramba kuridza National Anthem.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano re Institute for a Democratic Alternative of Zimbabwe, VaJoy Mabhenge, avo vange vapinda mumusangano uyu vashorawo zvakaitwa nemapurisa vachiti zvanyadzisa nyika pamberi pevanyarikani vemuno nevabva kune dzimwe nyika.

Musangano uyu wapinda nevamiriri veWorld Bank, African Development Bank, United Nations, vamiriri venyika dzakaita seChina neMalaysia pamwe nevambizimisi vemuno nekune dzimwe nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera