HARARE —
Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vasangana neChitatu nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wehurumende yeChina, Va Wang Yang, paine kuwirirana munyaya dzekusimbaradza kudyidzana kwenyika mbiri idzi.
Vaviri ava vataura nyaya dzinobata zvematongerwo enyika pamwe nemabhizimusi
Vachitaura pamusangano wavaita naVaWang pamahofisi avo ari paMunhumutapa, Va Tsvangirai vati Zimbabwe ine tarisiro yekuramba ichidyidzana neChina mushure mesarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino muzuva risati ratarwa.
Va Wang varumbidzawo sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa reSADC, zvikuru South Africa pakufambiswa kwenhaurirano pakati pemapato ezvematongerwo ari muhurumende yemuZimbabwe.
Va Wang, avo vataura vachiturikirwa, vati kudyidzana pakati pe Zimbabwe neChina kuri kusimukira zvikuru zvichitevera kushanya kwakaita Va Tsvangirai kuChina gore rapera.
VaWang vati China icharamba ichisima mari yayo muZimbabwe pamwe ne Africa yose zvinozoita kuti veruzhinji vawane mabasa.
Asi VaTsvangirai vati makambani ekuChina ari kushandira muno anofanira kucherechedza kodzero dzevashandi.