WASHINGTON DC —
Zimbabwe inoti yatengesa fodya inodarika yakatengeswa gore rapera kunyange kutengeswa kwechirimwa ichi kuchiri kuenderera mberi.
Izvi zvaburitswa nesangano rinoona nezvekutengeswa kwefodya, reTobacco Industry
Marketing Board, TIMB, iro rinoti kusvika pakupera kwezuva neMuvhuro, fodya inorema makirogiramu mamiriyoni zana nemakumi manomwe nemanomwe yakanga yatengeswa pamisika yefodya.
Mukuru weTIMB, Doctor Andrew Matibiri, vanoti fodya yatengeswa iyi yaunza mari inoita mazana mashanu nemakumi matanhatu emadhora.
Fodya yakatengeswa mwaka wese gore rapera, iyo yairema makirogiramu mamiriyoni zana nemakumi matanhatu nematanhatu, yakapinzawo mari yaisvika mazana mana nemakumi mapfumbamwe nemashanu emamiriyoni emadhora.
Doctor Matibiri vanoti mwaka uno fodya iri kutengwa nemutengo uri pakati pemadhora matatu nemasendi gumi nemasere, uchibva pamadhora matatu nemasendi makumi manomwe nerimwe wegore rapera.
Izvi zvinonzi zvakakonzerwa nekuwanda kwefodya isina kunyatsonaka pamusika, uyewo kuwanda kwefodya yakarimwa mwaka uno.
Zimbabwe inozivikanwa zvikuru nekurima fodya asi varimi vazhinji vanonzi vari kunyunyuta nemutengo wakatengwa nawo mbesa yavo gore rino, izvo zvinonzi zvinogona kuderedza huwandu hwevarimi vangangorima fodya mwaka unouya.
Imwe nyaya inonzi ingangoderedza huwandu hwefodya mwaka unouya idambudziko rehuni dzekuomesa nadzo fodya sezvo matunhu mazhinji asisina miti yekushandisa sehuni.
Asi Doctor Matibiri vanoti sangano ravo rine hurongwa hwekugadzirisa dambudziko iri kuburikidza nekushanda nemamwe makambani mukuendeswa kwemarasha ekuHwange pedyo nevarimi.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naDoctor Andrew Matibiri