Vashandi vebhanga re Stanbic vanodarika zana varatidzira mu Harare neMuvhuro vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambiriswa nebhanga iri.
Vashandi vebhanga iri varatidzira pamuzinda webhanga iri uri muna Samora Machel mu Harare vachiti havasi kuzodzokera kubasa kudzamara vatambiriswa mari dzavari kuda.
Mumwe wevaratidziri ava uye ari munyori mukuru musangano revanhu vanoshanda mumabhanga, re Zimbabwe Bankers and Allied Workers Union, kana kuti Zibawu, Va Gift Peter Mutasa, vati mabatirwo ari kuitwa vashandi nebhanga iri akafanana nezvaiitwa nehurumende yaVa Ian Douglas Smith nyika isati yawana kuzvitonga kuzere. Va Mutasa vanoti nhaurirano dzemihoro nevakuru vebhanga iri hadzina chadziri kuburitsa.
Mutungamiri we Zibawu, Va Farai Katsande, vati vashandi vebhanga iri vari kutambiriswa mari dzemihoro dzisingakwane kuraramisa mhuri dzavo uku vakuru-vakuru vebhanga iri vachizvimba matumbu nekuguta vashandi vachinhonga svosve nemuromo.
Vati chinonyanyorwadza ndechekuti bhanga re Stanbic rakaita mari inodarika mamiriyoni gumi nemasere gore rapera ye profit asi hapana kana mushandi mumwe chete akawedzerwa mari.
Va Katsande vati sangano ravo riri kukurudzira veruzhinji kuti vasaise mari mubhanga iri kudzamara bhanga iri rakoshesa zvido zvevashandi.
Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana uye zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Hatichada Kutambira Mitero Yembwa”.
Hatina kukwanisa kutaura nevakuru-vakuru vebhanga re Stanbic kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Mune imwewo nyaya, mashoko aburitswa nekambani yezvinwiwa ye Delta anoti kunwiwa kwedoro kwadzikira nezvikamu gumi kubva muzana kubva pakutanga kwegore kusvika pari zvino.
Nekune rumwe rutivi, mashoko aburitswa nekambani yefodya ye BAT anotiwo kusvutwa kwefodya munyika kwadzikira nezvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana kubva pakutanga kwegore rino.
Mashoko aya anouyawo apo vaimbova mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa uye vari mutungamiri we MDC, Va Morgan Tsvangirai, vakaudza vatori venhau svondo rapera kuti pane makambani anodarika mazana manomwe avharwa kubva pakaitwa sarudzo dzegore rapera.
Hatina kukwanisawo kunzwa kugurukota rinowona nezvema indasitiri, Va Joey Bimha, kuti tinzwe kuti hurumende ine hurongwa hupi hwekugadzirisa kusamira zvakanaka kwezvinhu kwave kukonzera kuvhara kwemakambani akawanda munyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi