Chikwata cheZimbabwe Special Olympics chevanhu gumi nevashanu chakasimuka neMuvhuro manheru chakananga kumaWorld Summer Games ayo ari kuitirwa muLos Angeles muCalifornia, kuAmerica.
Vari kutungamira chikwata ichi vavimbisa menduru zhinji kubva kumakundano aya ayo ari kutanga musi wa 25 Chikunguru kusvika musi wa 2 Nyamavhuvhu.
Makundano aya ndeevatambi vanorwara nepfungwa avo vachange vachikwikwidza mumitambo yakasiyana siyana inosanganisira gorofu nekumhanya.
Chikwata cheZimbabwe change chiri mukamba kwemazuva akati wandei izvo zviri kufadza vari kutungamira chikwata ichi, Muzvare Viola Musariri.
Muzvare Musariri vanoti vanoti vatambi vavo vachange vachikwikwidza mukumhanya nemugorofu chete.
Muzvare Musariri vanoti vakagadzirira zvakasimba makwikwi aya vachivimbisa ivo kuti vachadzoka nemenduru dzisingaverengeke.
Muzvare Musariri vanoti kunyange zvikaoma sei, mumhanyi wavo, Nyasha Derera, anotodzoka nemenduru chete.
Vamwe vatambi vari kunomirira nyika ndi Nyasha Karima, Munyaradzi Musariri, Patience Mudarikwa, Tafadzwa Mutasa, Elizabeth Moyo, Kudakwashe Makuyana, Viren Metha, Reagan Robinson, Vacalavy Nyamakope, Israel Washari, Dadirai Jack, Ethel Chatambudza, Tungamirai Mudyanadzo, na Tsitsi Mponda.
Zimbabwe yakapedzisira kuenda kumakundano aya mugore ra 2007 kuShanghai, China, uko yakatumira vatambi gumi nevapfumbamwe avo vakadzoka nemenduru gumi nenhanhatu.
Asi Zimbabwe haina kukwanisa kuenda kumakundano a2011 mushure mekunge sangano reZimbabwe Special Olympics Association rambomiswa neveSports and Recreation Commission nemhaka yekusabuditsa magwaro emafambisirwo emari.
Muzvare Musariri vanoti vari kunokwikwidza mugorofu nekumhanya chete sezvo vakashaya mari yekuendesa vatambi vakawanda.
Vanotamba nhabvu yevanhu vanomwe vakatosiiwa mushure mekunge mari yekuti vaende yatadza kukwana.
Asi Muzvare Musariri vanoti vari kufara nekuti vakwanisa kuenda.
Mudzimai wemutungamiri weAmerica, Muzvare Michelle Obama, ndivo vari kutarisirwa kuvhura makundano aya, ayo achange aine vatambi vanodarika zviuru zvinomwe vanobva munyika makumi matatu, kusanganisira Zimbabwe.