VaShamuyarira Vovigwa kuHeroes Acre neMugovera

  • Jonga Kandemiiri

Nathan Shamuyarira

Dare repamusorosoro mubato reZanu PF, re Politiburo, rapa vaimbova gurukota rehurumende kwenguva yakareba, VaNathan Shamuyarira, avo vakashaya neChitatu usiku, ruremekedzo rwegamba renyika.

VaShamuyarira, avo vakashaya vava nemakore makumi masere nemashanu ekuberekwa, vanotarisirwa kuradzikwa kumarinda emagamba muharare neMugovera.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vashanyira kumba kwemufi neChishanu vachinobata mhuri yekwaShamuyarira maoko.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti kunyange hazvo VaShamuyarira vakambobuda muZanu vachitanga bato ravo re Florizi, izvi hazvina kutadzisa nhengo dze Politiburo kuvapa ruremekedzo rwunokodzerana nebasa ravakabata munguva yehondo pamwe nemunguva yenyika yawana kuzvitonga kuzere.

VaGumbo vanoti mutumbi waVaShamuyarira waendeswa kuChinhoyi kuti vanhu veko vawane mukana wekuonekana navo uchizodzoka worara muHarare vachizoradzikwa neMugovera.

Mutauriri webato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, pamwe nemunyori mukuru wesangano revatori venhau, reZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vanotiwo vanotsigira kuti VaShamuyarira vaitwa gamba renyika kuburikidza nemabasa avakabata.

Pakawana nyika kuzvitonga muna 1980, VaShamuyarira vakaitwa gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko. Vakawanda vanorangarira kushanda zvakasimba kwakaitwa naVa Shamuyarira mukuvandudza mabasa ezvekuburitswa kwenhau.

Mumakore aya, bazi rezvekuburitswa kwemashoko raiva nehurongwa hwekuzivisa nyika vatungamiri vayo vatsva, nhengo dzeparamende, uye hurongwa hwehurumende hwekusimbaradza kuburitswa kwezvirongwa zvebudiriro.

Kunyange hazvo vakashanda zvakasimba, vamwe vanoti VaShamuyarira havana kuita basa ravo nemazvo, zvikuru munguva yegukurahundi, sezvo vatori venhau vakanga vasingabvumidzwe kupinda munzvimbo dzakawanda muMatabeleland, sezvo paive nemutemo we state of emergency.

Asi vamwe vanoti izvi zvaikonzereswa nemapazi emukati menyika pamwe nekudzivirirwa kwenyika, kwete nebazi raVa Shamuyarira, sezvo bazi iri raifanirwa kutevedza mitemo yainge yadzikwa nehurumende.

Munguva yavo vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, pakava nekugeda geda kwemeno, apo vatori venhau vanoti VaGeoff Nyarota, avo vaiva mupepeti we Chronicle, vakabviswa pabasa vachinzi vapuromotwa mushure mekuburitswa kwehuori pakutengwa kwemotokari, kana kuti Willowgate nebepanhau reChronicle, kubviswa pachigaro chemupepeti we Ziana kwaVa Wilf Mbanga, paramende ichatanga yaudzwa nezvekubviswa kwaVaMbanga pabasa, ivo VaMbanga pachavo vasati vaudzwa, pamwe nekubviswa kwaVa Farai Munyuki semupepeti mukuru we Herald, vachibva vaendeswa kunoita mupepeti mukuru we Ziana zvisina tsarukano.

Kunze kweizvi, vamwe vanoti VaShamuyarira munhu akaedza nepanogona napo kudaidza vatori venhau kuti vazoshanda munyika vachitora mabasa akanga asiiwa nevachena vakanga vobuda munyika.