WASHINGTON DC —
Zvikoro zvavhurwa munyika paine kugunun’una kukuru kubva mune vamwe vabereki vari kuti zvikoro zvakawanda zvadzora vana kudzimba vasina kubhadhara mari dzechikoro kana vane zvikwereti kubva kutemu yapera.
Mumwe mubereki ari kuMarondera kuMashonaland East aramba kudomwa nezita audza Studio 7 kuti vana vanosvika zvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana vadzorwa kudzimba muguta iri nekuti havana kubhadhara mari dzechikoro kana mimwe mitero inodiwa nezvikoro.
Mubereki uyu ati zvikoro zvanga zviri pamberi nekudzosa vana zvinosanganisira Godfrey Huggins, kunyange hazvo chiri chehurumende pamwe neNaggle House, chikoro chechechi yeRoman Catholic, icho chinonzi changobvumidza vana vashomashoma kupinda pamagedhi acho.
Izvi zvinonzi zvaitikawo muzvikoro zviri muHarare, Chitungwaiza nemamwe matunhu emunyika.
Mumwe mubereki audza Studio 7 kuti dai zvikoro zvatevera kurudziro yehurumende yekusadzora vana vanenge vasati vabhadhara mari, kutira kupa vabereki nguva yekutsvaga mari idzi.
Zvichakadaro sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ rati nhengo dzaro dziri kushungurudzwa nekubviswa muzvikoro zvadzaishandira zvisina sharukano, vachiiswa muzvikoro zviri kure nekwavanogara.
Munyori mukuru wePTUZ VaRaymond Majongwe vatiwo vamwe venhengo dzavo vakakwikwidza musarudzo vakamirira MDC T vari kumisirwa mari dzemihoro zvekuti vamwe vatove nemwedzi miviri vasati vatambira.
Vati varairidzi ava vari kukurudzirwa kuti vaende kuPublic Service Commission nezvichemo zvavo kuti vabatsirwe.
VaMajongwe vaudza Studio 7 kuti chinoshamisa ndechekuti varairidzi vakakwikwidza musarudzo vakamirira Zanu PF havasi kusangana nedambudziko rekumisirwa mari dzemihoro iri.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuPublic Service Commission pamusoro penyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRaymond Majongwe