Vakawanda Vanoti VaMugabe Vanga Vogara Vari Mundege saSachigaro weSADC

Vanhuwo zvavo muZimbabwe vafarira kusiya husachigaro hwesangano reSouthern African Development Community, SADC, kwaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachiti izvi zvichaita kuti VaMugabe vawane nguva yekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera

Vanhu vakawanda vanoti kubvira pavakasarudzwa pachigaro ichi gore rapfuura, VaMugave vange vave kugara mundege.

VaTom Gondo vekuBudiririo ndemumwe weavo vati vanofara nekusiya chigaro cheSADC kwaitwa naVaMugabe.

VaJohn Mlilo vekuMarimba vanotiwo vanofunga kuti sachigaro mutsva weSADC, uye vari mutungamiri weBotswana, VaIan Khama, vachabatsira mukugadzirisa zvinhu muZimbabwe.

VaKhama vagara vachipokona nenyika dzese dzemuSADC panyaya yeZimbabwe zvikuru sei pasarudzo dzemuna 2013 idzo vanoti dzakabirwa kunyange SADC yakati dzainge dzakachena.

Amai Emly Moyo vekuEastlea vanoti vanofunga kuti vachaona kubatsira kweSADC kana ichinge yave kutungamirirwa nemumwe munhu sezvo vasina chavakaona apo VaMugabe vaitungamira sangano iri.

Asi Amai Melanie Gumbo vekuBindurra vanoti VaMugabe vakaita basa guru uye yava nguva yavo yekuzorora.

Husachigaro hwaVaMugabe hweSADC hwange husina mutauro kana zvikaenzaniswa nemuna 1998 apo vaiva sachigaro weSADC Troika on Defence and Security apo vakatumira mauto eZimbabwe kuDemovratic Republic of Congo vasina kugara pasi nasachigaro weSADC panguva iyi, avo vaiva muchakabvu Nelson Mandela.