Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachatambidza husachigaro hwavo hwesangano reSouthern African Development Community, SADC, kumutungamiriri weBotswana VaIan Khama, svondo rinouya pamusangano uchaitwa kuBotswana.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Irwin Chifera
Vamwe munyika vari kuti kuve sachigaro weSADC kwaVaMugabe kwakabatsira kunatsurudza chimiro chenyika vamwe vachiti hapana chazvakabatsira nyika.
Mutungamiriri webato guru rinopikisa munyika, reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kutungamira SADC kwaVaMugabe hakuna zvakakwabatsira nyika sezvo Zimbabwe iri nyika ine matambudziko inotodawo rubatsiro kubva kuSADC.
VaTsvangirai vanoti nekuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzehupfumi, hazvishamisi SADC ichidzora mudariro nyaya yeZimbabwe musangano iri.
Mukuru wesangano reOrganization for Zimbabwe Trust, VaTerence Chimhavi, vanobvumirana naVaTsvangirai vachiti VaMugabe vaitoshaya nguva yekugadzirisa matambudziko enyika dzemuSADC neAfrica sezvo ivo vaive nematambudziko akawanda kudarika nyika idzi.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, vati husachigaro hwaVaMugabe hwakabatsira mukugadzirisa chimiro cheZimbabwe muSADC pamwe nemuAfrica.
Vaenderera mberi vachiti hapana zvizhinji zvaitarisirwa kuZimbabwe sezvo iri nyika yange iri kubva mumatambudziko makuru uye iri nyika inotodawo rubatsiro.
Asi mudzidzi munyaya dzematongerwo enyika pachikoro cheUniversity of Zimbabwe, Professor Charity Manyeruke, vanoti VaMugabe vakabata basa guru mukugadzirisa nyaya dzainetsa kunyika dzakaita seLesotho pamwe nekudzekupondwa kwevanhu vekune dzimwe nyika kuSouth Africa.
Vatiwo vanotarisira kuti vatungamiriri venyika dzemuSADC vachavandudza mabasa ekudyidzana munyaya dzehupfumi pamwe nekubvisa zvimhingamipinyi zvinotadzisa vanhu vemudunhu kufamba nekuita mabhizimisi avo zvakanaka.
Asi VaZhangazha vati izvi zvinonetsa sezvo nyika idzi dzine mitemo yakasiyana siyana uye inopokana vachiti izvi zvinoda nguva kuti zvigadziriswe.
SADC ichaita musangano wayo muBotswana svondo rinouya pasi pedingidndira rinokurudzira kuvandudzwa kwemaindisitiri uye izvi zvinoitika apo nyika zhinji dzemuSADC dzisina chadziri kuwana kubva muzvicherwa nezvewanikwa sezvo dzisina michina yekudzira zvinhu zvinozoshandiswa nevanhu kana nemakambani.