Mapato Ari muHurumende Yemubatanidzwa Okurudzira Runyararo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa neChitatu akabatana mukuchenesa nzvimbo yeHwedza Growth Point kuMashonaland East nechinangwa chekuunza runyararo munyika yatarisana nesarudzo.

Vakuru vemapato eZanu-PF, MDC-T neMDC vakabatana nevatsigiri vavo vakatsvaira ne kuchenesa nharaunda yeHwedza Growth Point. Chirongwa ichi chirikutungamirwa ne sangano re Joint Monitoring And Implemantation Committee.

Izvi zvakanangana nekuti mhirizhonga yakaitwa muna 2008 pasarudzo isadzokororwe zvekare. Mhirizhonga iyi yakakonzera kuti paumbwe hurumende yemubatanidzwa mushure mekunga pafa vanhu vanodarika zana.

Sachigaro we MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube muMashonaland East VaTangisai Mandaza vanoti vafadzwa zvikuru nehuwandu hwevatsigiri vemapato matatu aya vakwanisa kushanda pamwechete murunyararo.

Mumwe wavo sachigaro weMDC-T mudunhu iri VaPiniel Denga vanoti vachaenderera mberi nechirongwa ichi kwaMurewa neChitatu.

Mutevedzeri wemukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaPschology Mazivisa vanotiwo bato ravo zvikuru mutungamiri webato iri VaRobert Mugabe vagara vachikurudzira vanhu vose kuti vagare murunyararo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Nava Tangisai Mandaza


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Nava Piniel Denga


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro Nava Pschology Mazivisa