Bhanga Guru Rotura Hurongwa hweMirawu yeMari

  • Jonga Kandemiiri

Reserve Bank of Zimbabwe

Vakafanobata chigaro chagavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Amai Charity Dhliwayo, vatura gwaro ravo rehwaro hwemari pamwe nemitemo inotarisirwa kuteverewa munyaya dzemari, kana kuti monetary policy statement.

Vachitura hurongwa hwavo uhwu, Amai Dhliwayo vabvuma kuti zvinhu zviri kuramba zvichioma munyaya dzeupfumi munyika.

Zvimwe zviri muhurongwa hwavo uhwu ikurudziro yekuti pavhurwe dare rinonangana nemhosva dzine chekuita nenyaya dzemari pamwe nemabhanga, idzo vati dziri kutora nguva yakareba kuti dzipedzwa kumatare edzimhosva.

Vapawo chivimbiso panyaya yekusadzoswa kwemari yemunyika vachiti mari dzekunze dzicharamba dzichishandiswa munyika, uye kuwedzerwawo kwedzimwe mari dzakaita seAustralian Dollar, Chinese Yuan, Rupee yekuIndia pamwe neJapanese Yen.

Imwe nyaya yakurudzirwa negwaro reRBZ ndeyekuti vanhu vakurudzirwe kushandisa makadhi ekumabhanga pakutenga zvinhu sezvo mari iri kutenderera munyika iri shoma.

Vatiwo vemabhizimusi madiki neepakati vanofanirwa kutsigirwa, pamwe nevemigodhi midiki uye bhanga ravo rakazvipira kuita basa raro rekuona kuti pave nekugadzikana muboka rezvemabhanga munyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru anoona nezvegwara mubato reMDC T, VaCharles Mangongera, vanoti havaoni zvose zvakurudzirwa negwaro reRBZ zvichiteverwa kana kubudirira, sezvo vanhu vasina chivimbo nehurumende iripo zvekuti vangada kutanga mabhizimusi kana kuisawo mari dzawo mumabhanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Mangongera