VaMugabe, VaTsvangirai naVaNcube Vokwikwidzana Musarudzo yeMutungamiri weNyika

Vatungamiriri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa, VaRobert Mugabe, VaMorgan Tsvangirai naVaWelshman Ncube ndevamwe vevanhu vanodarika gumi vanyoresa kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika.

Vamwe vanyoresa kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika vanosanganisira mutungamiri weZapu, VaDumiso Dabengwa, mutungamiri weZimbabwe Development Party, VaKissnoti Mukwazhi, VaLangton Toungana, nevamwe.

Munyori mukuru weMDC-T, VaTendai Biti, ndivo vabhadhara mari yekuti VaTsvangirai vapinde musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaBiti vaudza vatori venhau kuti vane chivimbo chekuti VaTsvangirai ndivo vachange vave mutungamiri weZimbabwe kana sarudzo dzapera.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, uye vari munyori wezvemitemo muZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vaendesa mapepa aVaMugabe pamwe nemari yekunyoresa. VaMugabe vari kurwara vari kuSingapore.

VaMnangagwa vanotiwo vane chivimbo chekuti VaMugabe nebato ravo reZanu PF vachakunda musarudzo idzi.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekunyoresa VaNcube kuti vakwikwidze musarudzo dzemutungamiriri wenyika, munyori mukuru mubato iri, Amai Priscillar Misihairabwi Mushonga vanotiwo bato ravo ramirira sarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Irwin Chifera