Hurumende Yoita Masheya muKambani Itsva yeZSE

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Stock Exchange

Musika wemari weZimbabwe Stock Exchange, ZSE, unonzi washanduka kuve kambani yakazvimirira zvichitevera chibvumirano chinonzi chanyoreranwa pasi pakati pevanga vachitungamira musika uyu nehurumende.

Chibvumirano ichi chaitwa negurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, avo vaita izvi vakamirira hurumende.

Danho iri rinonzi rasiya vanga vari varidzi ava kubva pakavambwa musika uyu muna 1946, vave nemasheya zvikamu makumi matanhatu nezvisere kubva muzana, iyiwo hurumende ichitorawo zvikamu makumi matatu nezviviri kubva muzana zvemasheya.

VaChinamasa vanonzi vazivisawo kuti varidzi vekambani vatsva ava, vanove vaive varidzi pamwe nehurumende, vachatengesa zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvemasheya avo kana masheya eZSE otengeswa.

Asi nyanzvi mune zveupfumi uye vari mukuru wesangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti kunyange hazvo danho iri rakanaka sezvo misika mizhinji yepasi rose iri makambani, danho rekuti hurumende izopindawo mukambani iyi rinogona kutandanisa vanoda kuzodyara mari dzavo mukambani iyi.

VaMufukare vanoti vazhinji vanoda kudyara mari dzavo vachiri kuona Zimbabwe senyika ine njodzi mukuita izvi, sezvo hupfumi hwayo husina kugadzikana pamwe nekupindira kwakanyanya kunoitwa nehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohn Mufukare