WASHINGTON DC —
Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mubato reZanu PF panzira dzekutevera pakuita ma primary elections kana kuti sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.
Izvi zvinonzi zvakaita kuti musangano wePolitiburo wakaitwa nemusi weChina utadze kubuda nezuva richaitwa sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato irikana kuti primary elections, uye pasungwe kunzi pazoitwa mumwe musangano wePolitiburo wakakosha mumazuva ari kuuya aya wekuzeya nezvenyaya iyi.
Chimwe chezvinhu zvinonzi zvakanyanya kukonzeresa kusawirirana mumusangano uyu inyaya yekuti munhu kuti akwanise kumirira bato anofanirwa kunge akadzidza zvakadii, iyo inonzi yakarambwa nevamwe, uye pane mashoko ekuti vamwe vari muPolitiburo nemuhutungamiri havasi kuda kukwikwidzwa.
Imwe nyaya inonzi yakazodya nguva yemusangano uyu hombe ndeye kusawirirana kunonzi kuri mubato iri mumatunhu eBulawayo neManicaland, izvo zvakaita kuti kutumwe zvikwata zvichitungamirirwa nasachigaro webato iri VaSimon Khaya Moyo, izvo zvichaenda kumatunhu aya kunoedza kugadzirisa zvinhu.
Sedanho rekutanga mukugadzirisa matambudziko ekuBulawayo, musangano uyu unonzi wakabvisa pachigaro sachigaro wedunhu iri VaKillian Sibanda vachitsiviwa naVaCallistus Ndlovu.
Kana VaKhaya Moyo vapedza kugadzirisa kusawirirana kunonzi kuri mubato iri mumatunhu ose aya, vanozonyora gwaro richazoshandiswa pamusangano wakakosha wePolitiburo uchatevera uyu.
Asi mutewedzeri wemukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaPsychology Maziwisa varamba kuti mubato mavo mune kunetsana, kunyange hazvo vatenda kuti VaMoyo vatumirwa mumatunhu ane kusagadzikana.
VaMaziwisa vati danho iri ratorwa senzira yekusimbisa musangano wavo pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vati pane zvinhu zvikuru zviviri zvakatarisana kwete nebato reZanu PF chete, asi kuti kana mumapato eMDC ose, zvinofanirwa kutanga zvagadziriswa pasati paitwa sarudzo dzekutsvaga vachamirira mapato aya musarudzo.
VaMutasa vati zvinhu izvi inyaya yekuti vechidiki vave kudawo kupinda muzvinzwimbo zvakagarwa nevakuru pari zvino, uye nyaya yegutsaruzhinji iyo inonzi nevakawanda mumapato aya hamuna.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPsychology Maziwisa
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaCharles Mutasa