Zanu PF Inoti Haisi Kuzofa Yakaita Hurukuro naVaTsvangirai

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo

Bato riri kutonga reZanu PF rinoti harina nguva yekugara pasi nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kuti vakurukure zvinetswa zvakabata nyika pari zvino, sezvo VaTsvangirai vakambowana mukana uyu munguva yehurumende yemubatanidzwa, asi vakashaya chavakaburitsa.

Vachipindura mashoko aVaTsvangirai ekuti vanokurudzira zvakare munyika kuti muitwe nhaurirano itsva dzakanangana nekugadzirisa dambudziko rakatarisana nezvizvarwa zveZimbabwe, kwete kuumba imwe hurumende yemubatanidzwa, mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti kunyange hazvo hurumende yavo yakatarisana nematambudziko, havaoni matambudziko aya achida bato reMDC T kana VaTsvangirai kuti agadziriswe.

VaGumbo vanoti chinodiwa chete kuti zvinhu zvigadzirisike munyika kuisa mitemo inokwezva vane mari dzavo, kuvandudzwa kwechikamu chezveupfumi uye kupedziswa kwehondo yavanoti yakatangwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yekurwisana nehuwori.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pamusangano wavaita nevatori venhau wekuzivisa kuti zvinhu mubato ravo zvagadzirisika zvichitevera kuwirirana kwavaita nemunyori mukuru webato iri, VaTendai Biti, nevamwe.

VaTsvangirai, avo vanoti sarudzo dzakaitwa gore rapera dzakabirwa neZanu PF, vatiwo munyika munofanirwa kutoitwa sarudzo itsva kuitira kugadzirisa zvinhu, zvikuru munyaya dzeupfumi hwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRugare Gumbo