WASHINGTON DC —
Veruzhinji vatambira nemufaro mutongo wapiwa nemusi weChina nedare repamusorosoro reConstitutional Court wekuti mapurisa aremekedze kodzero dzemadzimai avanenge vasunga vachivaisa muchitokisi chepakamba yeHarare Central Police Station icho chinonzi chaive netsvina isingaiti.
Izvi zvinotevera nyaya yakakwidzwa kudare iri nemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti VaDzimbabwe Chimbwa pamwe naMuzvare Belinda Chinovava, vachimirira vatungamiri vesangano remadzimai, reWomen of Zimbabwe Arise, WOZA, muna Kubvumbi 2010 mushure mekusungwa nekuchengetedzwa kwemadzimai aya vari muchitokisi pakamba iyi kwemazuva matanhatu.
Vachitura mutongo wavo, mumwe wevatongi vedare repamusorosoro, Amai Vernanda Ziyambi, vanonzi vati madzimai aya akatyorerwa kodzero dzavo pavakanzi vabvise nhumbi dzavo dzemukati pamwe neshangu uye kunyimwa mvura yakachena yekunwa.
Dare iri rakurudzira mapurisa kuti agadzirisewo chitokisi ichi kuitira kuti chifambirane nekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu.
Madzimai aya akanga akwirira dare gurukota rezvemukati menyika, mukuru wepamurisa pamwe nemuchuchisi mukuru wenyika.
Zvitokisi zvizhinji munyika, kunyanya chekuMatapi Police Station, zvinonzi hazvichakodzeri kunge zvichigarwa nevanhu, asi mapurisa ari kuramba achiisa vasungwa ikoko.
Mukuru weWOZA, Amai Jenni Williams, vanoti vafara zvikuru nemutongo uyu. Amai Williams vanoti mutongo uyu haurevi kuti ndewekodzero dzevanhukadzi chete, asi kuti wakakosha kumunhu wose anotyorerwa kodzero dzake nemapurisa.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemitemo, uye vari mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Jessie Majome veMDC T, vanoti vatambira nemufaro mukuru mutongo uyu sezvo uchiita kuti pave nemusiyano pakati pemhuka nevanhu.
Muzvare Majome vanoti dambudziko chete riripo nderekuti hurumende haina mari yekuita zvose zvinotarisirwa kuti zviitwe, asi vakurudzirawo gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti vaone zvavangaita kuitira kuti bazi rezvemukati menyika riwaniswe mari yekugadzirisa dambudziko iri.
Mukokeri wenhengo dzeparamende dzeZanu PF muparamende uye vachimirira Mberengwa West, VaJoram Gumbo, vanotiwo makomiti eparamende anoona nezvemutemo, hutano pamwe neyemukati menyika, anofanirwa kuona kuti mutongo wapihwa uyu wateverewa.
VaGumbo vakurudzirawo kuti makomiti matatu aya ashanyire zvitokisi zvemunyika vaine vatori venhau kuitira kuti nyika ione mararamiro ari kuita vanhu vanenge vari muhusungwa.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukur naMuzvare Jessie Majome pamwe naVaJoram Gumbo