Vashandi Vocherechedza Zuva Ravo Vasingaise Matongerwo eNyika Mukati

  • Jonga Kandemiiri

ZCTU

Masangano anomirira vashandi munyika anoti gore rino haasi kuzokoka vezvematongerwo enyika pamhemberero dzekucherechedza zuva revashandi pasi rose, Workers’ Day.

Zuva iri riri kucherechedzwa nemusi weChina svondo rino.

Masangano eZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, Concerned Affiliates of the ZCTU pamwe neZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU anoti akasvika padanho iri mushure mekuona kuti vezvematongerwo enyika vane tsika yekutora mhemberero idzi kushambadza zvemapato avo vachisiya kutaura nezvematambudziko akatarisaba nevashandi.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti sangano ravo richangokoka gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, nhengo dzedare reparamende pamwe nevemasangano akazvimirira.

Asi ZCTU inoti vachapiwa mukana wekutaura igurukota rezvevashandi chete.

VaMoyo vanotiwo havasi kuzobvumidza vashandi vachauya vakapfeka nhumbi dzemapato avo kupinda munhandare dzichange dzichiitirwa mhemberero idzi.

Vanotiwo gadziriro yavo yave pamusorosoro kunyange hazvo gore rino sangano ravo riri kuita mhemberero munzvimbo shoma kwazvo nekuda kwekuoma kwezvinhu.

"Sezvamunoziva kuti ZCTU inorarama nemari dzinobviswa nevashandi, zvino vashandi vazhinji havachisiri pamabasa, saka izvi zvichaita kuti tidzikise kana mitambo ichaitwa kumhemberero dzedu," vanodaro VaMoyo.

VaMoyo vanoti sangano ravo, iro rine dingindira rinoti “Workers Intensify The Struggle; No to Labour Market Flexibilty,” richaita mhemberero hombe kunhandare yeGwanzura muHarare nemusi weChina wakare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo


Vari kutungamira chimwe chikwata chenhengo dzeZCTU dziri kugunun’una cheConcerned Affiliates of the ZCTU, VaLovemore Matombo, vanotiwo vachaungana muHarare Gardens, uye havasi kuzokokawo vezvematongerwo enyika ava.

VaMatombo vanoti vakadzidza zvakawanda kubva kumakore apfuura, apo vaisikoka vezvematongerwo enyika vaizopedzesera votora mhemberero idzi sedzematongerwo enyika.

Vanotiwo sangano ravo richaita mhemberero mumaguta ose makuru enyika ari mashanu pamwe nemamwe matunhu emunyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLovemore Matombo


Munyori mukuru weZFTU, VaKennias Shamuyarira, vanotiwo gore rino sangano ravo riri kungokoka VaGoche negurukota redunhu reMashonaland West, VaFaber Chidarikire, sevanhu vari muhurumende, uye vachidawo kuti vanzwe kubva kuvashandi.

Vanotiwo vari kuita mhemberero dzavo kunhandare yeNyamhunga kuKariba kuitira kupa mukana vashandi vari munzvimbo iyi vakaita sevanoita mabasa ekubata hove, vanochengeta makarwe nevamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennias Shamuyarira