Vamwe Vagari kuMash West Havana Ruziva rweChirongwa Chekunyoreswa
Jonga Kandemiiri
WASHINGTON DC —
Mumwe mugari wemudunhu reMashonaland West uye vari munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC T mudunhu iri, VaWilson Makanyaire, vanoti matambudziko anonzi ari kusanganikwa nawo nevazhinji vari kuedza kunyoresa kuti vazokwanisa kuvhota pasi pechirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ari kubatawo dunhu ravo.
VaMakanyaire vanoti vagari vazhinji vemudunhu reMashonaland West vasiri nhengo dzebato reZanu PF havasi kutomboziva nezvechirongwa ichi, sezvo vari kuchishambadza vari kungoshanda nebato reZanu PF mudunhu iri.
Vanoti kune vane ruzivo nezvechirongwa ichi vari kuedza kunyoresa kana kutora zvitupa, vari kushungurudzwa nevashandi vekwamabharani mukuru, avo vari kunzi vari kuda zvinhu zvakawanda, zvakaita sematsamba anobva kumasabhuku kana mari yakawanda kune vari kuda kuchinja zvitupa zvavo kuti vave zvizvarwa zveZimbabwe.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaWilson Makanyaire
Hatina kukwanisa kubata nhengo dzeZanu PF mudunhu iri.