Mapurisa muChiredzi Anombosunga Vanotengesa muMigwagwa

  • Jonga Kandemiiri

Mapurisa anonzi ambochengetedza vanhu vanodarika gumi

Sangano reYouth Forum kuMasvingo rinoti mapurisa emuChiredzi ambosunga nekuchengetedza kwenguva inodarika awa imwe chete vanoita zvekutengesa mumigwagwa vanodarika gumi vachivapomera mhosva yekutyora mutemo.

Sachigaro wesangano iri mudunhu reMasvingo, VaMarko Shoko, vanoti sangano ravo rakatyamadzwa nedanho ratorwa nemapurisa iri sezvo vanhu ava vanga vasina mutemo wavatyora nekuti vari kubhadhara mitero kukanzuru yeChiredzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Asi VaShoko vanoti vatozopindira kuti vanhu ava varegedzwe nemapurisa.

Vanotiwo sangano ravo rinobatsirawo vanoita zvekutengesa ava nemari pamwe nekuvatsvagira nzvimbo dzekutengesera.

Mune imwe nyaya, mapurisa emuHarare achishanda nemapurisa ekanzuru vanonzi vasungawo vemichovha vane chitsama.

Asi nhengo yesangano rinomirira vanotakura vanhu muguta reHarare, VaFarai Muza, vaudza Studio 7 kuti vasungwa havasi pasi pesangano ravo, asi kuti ndevaya vanotakura vanhu munzvimbo dzisingabvumidzwi nemutemo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, uye kuziva huwandu hwevanhu vasungwa.

Kanzuru yeHarare inoti vemakombi vanofanirwa kupaka motokari dzavo kuna Coventry Road, kuitira kuti muguta mufambike.

Makombi anotakura vanhu akanyoreswa zviri pamutemo anosvika zviuru zvina, asi muguta iri munonzi mune makombi anodarika zviuru zvitanhatu ari kushanda zvisiri pamutemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMarko Shoko