VaSikhala: Pane Mukana weNhaurirano dzeKubatana kweVanopikisa Zanu PF

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weMDC 99 VaJob Sikhala

Mutungamiri weMDC 99, VaJob Sikhala, vanoti pane mukana mukuru wekuti bato ravo ritaurirane neMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, kuitira kuti mapato maviri aya apinde musarudzo dza 2018 akabatana.

Mashoko aVaSikhala anotevera mashoko aVaTsvangirai neSvondo ekukurudzira vatungamiri vemamwe mapato vakabuda mubato ravo kuti vadzoke kuitira kuti vaumbe bato rimwe chete rakasimba zvekukwanisa kubvisa bato reZanu PF pachigaro.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya mumusha weBudiriro apo vakakurudzira VaSikhala, mutungamiri weMDC, VaWelshman Ncube, pamwe nemutungamiri weNational Constitutional Assembly, NCA, VaLovemore Madhuku, kuti vadzoke kubato reMDC T.

VaTsvangirai vanotiwo vakazvipira kuti bato ravo riende kukongiresi nguva yayo isati yasvika kuitira kupedza kunetsana kuri mubato pari zvino.

Vamwe mubato iri vanosanganisira mutevedzeri wemubati wehomwe, VaElton Mangoma, vakabuda pachena vachikurudzira kuti VaTsvangirai vasiye chigaro chavo mushure mekutadza kubvisa Zanu PF pachigaro kwenguva ndefu.

Nhengo idzi dziri kukurudzirawo zvakare kuti kongiresi yebato iitwe nekukasika, kwete kumirira gore ra2016.

VaSikhala vanoti pachine mukana wekuti pagadziriswe zvakamboita kuti vaparadzane, vachitiwo bato raVaTsvangirai rinofanirwa kutangawo ragadzirisa nyaya yemakakatanwa ari muMDC T pane zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJob Sikhala


Studio7 haina kukwanisa kubata VaNcube kuti tinzwe kuti vanotambira seyi mashoko aVaTsvangirai.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanoti havaoni kurudziro yaVaTsvangirai iyi iine zvikuru zvayingaita mukusimbaradza bato ravo.

VaMutasa vanotiwo VaTsvangirai vanofanirwa kutanga vagadzirisa makakatanwa ari mubato ravo vasati vashevedza vanhu vavakambosiyana navo nekuda kwezvikonzero zvimwe chetezvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Mutasa