VaTsvangirai Vonyunyuta neNyaya Yaburitswa neBepanhau reHerald

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai

Hofisi yemutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, inoti yanyorera tsamba kubepanhau re The Herald pamwe neZimbabwe Media Commission ichinyunyuta nekwainoti kusarudza kunyora manyepo kwaitwa nebepanhau reThe Herald pamusoro pehutano hunonzi hwakatarisana naVaTsvangirai.

Nyaya yaburitswa nebepanhau iri inotevera kukundikana kwaVaTsvangirai kuenda kumusangano webato ravo waiwe kunhandare yeZimbabwe Grounds kuHighfield muHarare nemusi weSvondo, uko vaitarisirwa kutaura kuvatsigiri vavo.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, vanoti vakazivisa vanhu vakanga vaungana munhandare iyi pamwe nevatori venhau kuti VaTsvangirai vakanga vakundikana kuvepo nekuti vakanga vasinganzwe zvakanaka.

Asi vanoti bepanhau reThe Herald rasarudza kuburitsa nyaya yekuti VaTsvangirai vakakundikana kuenda kumusangano uyu nehurwere husina kutsanangurwa. Bepanhau iri rinoti izvi zvinosimudza fungidziro yagara iripo kubva nguva yesarudzo yekuti mukuru uyu ari kurwarirofa.

VaTamborinyoka vanoti VaTsvangirai havasi kurwara zvakanyanya asi kuti vakatadza kuenda kumusangano uyu zvichitevera kurudziro yachiremba wavo yekuti vambozorora zvishoma mushure mekushanda zvakanyanya mumasvondo apfuura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLuke Tamborinyoka