Nhengo dzeParamende Dzofarira Kusabhadhariswa Mari dzeTollgate

  • Jonga Kandemiiri

Vadare vose vanenge vasisabhadhariswa mari dzekuripira pamatollgate

Nhengo dzeparamende dzinoti dziri kutambira nemufaro mukuru danho rakatorwa neboka reZimbabwe National Road Administration, kana kuti Zinara, rekuti dzisabhadhariswe mitero yemumigwagwa pama tollgate.

Mukokeri wenhengo dzeMDC T muparamende, uye vachimirira Mutare Central, VaInnocent Gonese, vanoti nekuda kwemabasa anoitwa nevadare ayo anoita kuti varambe vari pamugwagwa, zvakakosha kwazvo zvekuti vasabhadhariswa mitero iyi.

Vadare ava vanonzi vakatoendesa nhamba dzedzimotokari dzavo kuZinara kuitira kuti dziiswe mumichina yeboka iri kuti vasazonetswa pakupfuura pama tollgate.

Danho iri risati ratambirwa neZinara, nhengo dzeZanu PF ndidzo chete dzinonzi dzaisabhadhariswa pama tollgate, dzichinzi dzaishandisa motokari dzehurumende.

Zinara inonzi yakaisa ma tollgate makumi maviri nemaviri munyika yose, uye panonzi pane hurongwa hwekuti mamwe aiswewo mumadhorobha munguva pfupi inotevera.

Mari dzekubhadhara pama tollgate aya dzakakwidzwa zvakapetwa kaviri mwedzi uno izvo zvakakonzera kuchema kwakanyanya kubva muvanhu nemasangano akasiyanasiyana.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachitungamira sangano reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanoti kunyange hazvo vadare ava vanga vachitarisirwa kubhadhara mari dzemitero idzi, kusabhadharwawo kwavo nehurumende kunoita kuti vaomerwe nehupenyu.

Asi VaMufukare vanoti danho irori rinogonawo kukonzera dambudziko nekuti vese vari kuti vari kunonoka kutambiriswa mari dzavo nehurumende vanenge vodawo kuti vasabhadhariswe mitero mune zvakawanda.

VaMufukare vanoti nyika haifanirwe kuve nemitemo yakasiyana inotonga vanhu nekutarisa kuti vakamira sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohn Mufukare

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaInnocent Gonese