Australia Yoronga Kubvisa Zvirango Kune Vamwe Vari muZanu PF

  • Jonga Kandemiiri
Australia inoti iri kunyevenura zvirango zvayakatemera Zimbabwe zvichitevera kuitwa kwechirongwa chekunyora bumbiro remitemo idzva, danho rainoti munongedzo kusarudzo dzegutsaruzhinji.

Gurukota rezvekunze kweAustralia, VaBob Carr, vazivisa kuti nyika yavo ichabvisa zvirango pavanhu makumi matanhatu nevashanu, vanosanganisira vezvematongerwo enyika nevari muhurumende pamwe nemuchiuto, uye makambani matatu.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nevamwe muhurumende nemubato ravo reZanu PF makumi matatu nevaviri nekambani imwe chete, vachambosara vari pazvirango.

Zimbabwe icharambawo yakasungwa munyaya dzekutengeserwa zvombo zvehondo.

Muna Kurume wegore rino, Australia yakabvisa vamwe vanhu makumi mashanu nevashanu pazvirango zvichitevera kuitwa kwereferendamu murunyararo.

Asi mutevedzeri wemukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaPsychology Maziwisa, vanoti bato ravo harioni paine chekupemberera nedanho iri sezvo zvirango zvacho zvakanga zvisingatofanirwi kuvepo kubva pakutanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPsychology Maziwisa



Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mukuru anoona nezvegwara rebato muMDC T, VaCharles Mangongera, vanoti danho ratorwa neAustralia rakanaka, asi zvinonetsa kuti nyika dzekunze dzibvise zvirango dzisati dzaona zvichaitwa neZanu PF musarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Mangongera