Vashandi veHurumende Votambira neMufaro Mihoro Yavari Kuvimbiswa naVaMugabe

  • Jonga Kandemiiri
Sangano rinomirira masangano evashandi vehurumende, reApex Council, rinoti riri kufara zvikuru nemashoko emutungungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ekuti hurumende yavo yeZanu PF ichawedzera vashandi vehurumende mari dzemihoro uye kugadzirisa magariro avo panosvika kupera kwegore.

Vachitaura vari kumarinda emagamba neMuvhuro pakucherechedza zuva remagamba, VaMugabe vakati hurumende iri kushushikana nenyaya yekurarama kwakanaka kwevashandi vayo uye icharamba ichitsvaga nzira dzekuvandudza mashandiro avo.

Apex Council inoti makore mashanu ehurumende yemubatanidzwa haana chaakavaitira kunze kwekutambura kukuru muvashandi vehurumende.

Sachigaro weApex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti munguva yehurumende yemubatanidzwa iyi vakatadza kunge vachiita hurukuro dzemihoro negurukota revashandi vehurumende, Amai Lucia Matibenga, avo vavanoti vairamba kutaura navo.

VaDzatsunga vanotiwo vanotarisira kuti VaMugabe vachavapawo gurukota rine chido chekunzwawo zvichemo zvavo.

Asi Amai Lucia Matibenga varamba mashoko aVaDzatsunga ekuti vairamba kutaura nevashandi vehurumende, uye ndivo vakaita kuti vashandi vasawedzerwa mari dzemihoro.

Amai Matibenga vanoti kusawedzerwa mari kwevashandi vehurumende hakuneyi navo segurukota sezvo vashandi vachiziva kwavanofanirwa kuenda nezvichemo zvavo zvemihoro.

Amai Matibenga vanotiwo kunyange hazvo vakahwinha musarudzo dzichangobva kuitwa, havasi kuzobvuma kutambira chigaro chekuve gurukota muhurumende itsva ichaumbwa naVaMugabe, sezvo vachitambira chete kudomwa kwavanoitwa nemutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai, avo vanonzi neZimbabwe Electoral Commission, vakakundwa naVaMugab.

VaTsvangirai vari kupikisa zvakabuda musarudzo idzi mumatare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro navaDavid Dzatsunga


Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMai Lucia Matibenga