Hurumende Inowedzera Vashandi Vayo Mihoro

  • Jonga Kandemiiri
Hurumende inonzi yazobudirira kuzadzisa chivimbiso chayo chekuwedzera vashandi vayo mari dzinofambirana nekukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation-related increment.

Kunyange hazvo vashandi vakawedzerwa mari idzi kutanga kwaNdira, vazhinji vavo vatanga kuwana mari idzi mwedzi uno, dzichibhadharwa kubva muna Ndira.

Mauto, mapurisa nemaghadhijeri, avo vanotangira vamwe vashandi vehurumende kutambira, vanonzi havana kuwana mari idzi mwedzi uno.

Hurumende yakanga yavimbisa kuwedzera vashandi vayo ne 5.3% kubva muna Ndira. Asi kunonoka kwemari iyi kwakanga kokonzera kusagadzikana muvashandi.

Rimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti ichi chiratidzo chekuti hurumende haina han’ya nevashandi vayo, sezvo mari iyi isina zvainoreva.

Maonero ePTUZ aya anotsinhirwawo nasachigaro weApex Council, VaDavid Dzatsunga, avo vanotiwo havaoni hurumende ichizovawedzerazve imwe mari gore rino nekuda kwereferendamu pamwe nesarudzo izvo zviri kutarisirwa gore rino.

Asi rimwe sangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association, Zimta, rinotiwo rinotambira zvaitwa nehurumende sezvo yavapa pekutangira, zvichitariswa kuti vashandi havana chikwata chinovamirira munhaurirano.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro navaDavid Dzatsunga