WASHINGTON —
Rimwe remasangano evarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nhengo dzaro dzichaenda kubasa musi uchavhurwa zvikoro musi weChipiri svondo rinouya paine tarisiro yekuti paitwe chisungo nemasangano anomirira vashandi vehurumende pagwara rekutora.
Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti havana chokwadi chekuti nhengo dzavo dzichange dzichishanda here panguva iyi, sezvo paine kugunun’una kukuru nenyaya yekuti hurumende yakatadza kuvawedzera mari dzemihoro uye haisi kuratidza hany’a yekuti ine chido here chekuita hurukuro navo.
Sangano iri rakambenge razivisa kuti pachavhurwa zvikoro nhengo dzaro dzichange dzichiramwa basa, asi danho iri rinonzi rashandurwa.
VaZhou vanoti varairidzi vachamirirawo kuona kana hurumende ichavawedzera here mwedzi uno mari dzinofambirana nekukwira kwemitengo yezvinhu, sekuvimbisa kwayakaita gore rapera.
Izvi zvakataurwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti. Asi VaZhou vanoti vachatora matanho kana hurumende isina kuzadzisa zvayakavimbisa gore rapera.