VaMangudya Voitwa Gavhuna weBhanga Guru reNyika Mutsva
Jonga Kandemiiri
Reserve Bank of Zimbabwe
WASHINGTON DC —
Nyanzvi mune zveupfumi dzakawanda dzinoti dziri kutambira nemufaro kudomwa kweimwe nyanzvi uye mukuru webhanga reCommercial Bank of Zimbabwe, CBZ, VaJohn Mangudya nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuve gavhuna mutsva webhanga guru renyika.
VaMangudya vari kutora basa ranga richiitwa naVaGideon Gono uye vanotarisirwa kutanga basa musi wa 1 Chivabvu gore rino, vachishanda kwetemu ine makore mashanu.
VaMangudya vanonzi vane hunyanzvi mubasa ravo iri hunodarika makore makumi maviri uye vakamboshandirawo bhanga guru renyika iri kare vasati vaenda kubhanga reAfrican Export-Import Bank.
Vakazoendawo kuCBZ uko vakashanda vakakwiridzirwa kusvika pachigaro cha Group Chief Executive Officer.
VaMangudya vakadzidza kuUniversity of Zimbabwe kwavakaita zvidzidzo zveBachelor of Science neMaster of Science in Economics kana kuti zvidzidzo zveupfumi pamwe neku Washington International University uko vakaita zvidzidzo zvepamusoro soro zveDoctorate in Business Administration.