WASHINGTON DC —
Hurumende inoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba zvikuru mukupedza mabasa evanhu vanobata madzimai nevanasikana chibharo.
Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chekupedza kubhinywa kwevanhukadzi munyika, mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vati kubatwa chibharo kwevanhukadzi kunofanirwa kupera zvachose, uye hurumende inofanirwa kutora matanho anopedza dambudziko iri.
Amai Mujuru vatiwo kumwe kubhinywa kwemadzimai kuri kuitwa mudzimba, kuburikidza nekumanikadza vanhukadzi kuti varoorwe.
Vachitaurawo pagungano iri, gurukota rezvemadzimai, Muzvare Oppah Muchinguri, vatiwo Zimbabwe inofanirwa kushandisa bumbiro idzva remitemo yenyika mukurwisa dambudziko rekubatwa kwevanhukadzi chibharo.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri wesangano reUNFPA muZimbabwe, Dr Basile Tambashe, vazivisa kuti sangano ravo riri mushishi rekutenga michina ichaiswa pachipatara cheHarare kuti igobatsira mapurisa mukuferefeta kwavo munyaya dzekubhinywa dzavanenge vachitevera.
Madzimai pamwe nevanasikana vachiri kuyaruka vanodarika zviuru gumi vanonzi vakabhinywa pakati pegore ra2012 nechikamu chekutanga chegore rino ra 2014.
Vanorwira kodzero dzemadzimai uye vari mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Jessie Majome, vati zvakakosha zvikuru kuti hurumende iparure zvirongwa zvakadai, asi panofanirwa kuonekwa kuti zvirongwa izvi zvateverwa nezviito.
Muzvare Majome vati hurumende ndiyo ine masimba ekutorera matanho vanenge vapara mhosva kuburikidza nekuisa mitongo yakasimba, uye kuti pave nezvinodiwa nemapurisa mukuferefeta nyaya dzekubhinywa kwevanhukadzi
Sachigaro wesangano revanhurume rePadare/Enkudleni, VaJonah Gokova, vatiwo zvakakoshawo zvikuru kuti vanhurume vange vachipinzwawo muzvirongwa zvakadai senzira yekuvadzidzisa nezvekuipa kwekubhinya vanhukadzi.
Vakurudzirawo kuti pave nedzidziso yakasimba kune veruzhinji, pamwe nevehukama, avo vanonyanyonongedzwa panyaya dzekushungurudzwa kwevanasikana.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJonah Gokovah pamwe naMuzvare Jessie Majome