WASHINGTON DC —
Rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti raziviswa nebazi rezvedzidzo kuti harichabvumidzwi kupinda muzvikoro richisangana nenhengo dzaro.
Tsamba yakanyorerwa sangano iri musi wa 18 Chikumi nemunyori webazi rezvedzidzo, Amai Constance Chigwamba, iyo iri mumaoko eStudio 7, inoti bazi iri ratora danho iri sezvo PTUZ yakanga yosiya zvinangwa zvayo zvekupinda muzvikoro ichipa nhengo dzayo zvipfeko nezvimwe zvinhu zvesangano iri, yoita misangano pamwe nekukanganisa zvidzidzo muzvikoro.
Studio7 haina kukwanisa kubata Amai Chigwamba kuti tinzwewo divi rehurumende.
Asi munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti havana chavakakanganisa sezvo sangano ravo riri pamutemo uye richitevera mutemo.
Vanoti vachaona matanho avachatora pamusoro penyaya iyi sezvo vachifunga kuti Amai Chigwamba vari kutyora mutemo nedanho ravatora iri.
VaMajongwe vanoti gurukota rezvedzidzo, VaLazarus Dokora, vakavafonera nezvenyaya iyi, uye vari kutarisira kusangana navo mukupera kwesvondo kuti vazeye nezvenyaya iyi.
Zvichakadaro, sangano iri rinoti harisi kutambira mari dzekubatsirikana dzakapiwa varairidzi vekumaruwa, sezvo dziri shoma uye pasina kujekeswa kuti hurongwa uhwu huchafambiswa sei.
Hurumende yakazivisa kuti yakadzosera mari dzekubatsirikana kuvarairidzi vekumaruwa, idzo dzakanga dzambomiswa muna 2009.
Varairidzi vanenge vopiwa zvikamu zvishanu kubva muzana zvemari dzavanotambira pamwedzi.
Asi mutungamiri weZimbabwe Teachers Association, uye vari sachigaro weApex Council, VaRichard Gundani, vaudza Studio 7 kuti mari iyi ishoma zvikuru pachitariswa kuomerwa kunoita varairidzi vekumaruwa.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRaymond Majongwe