WASHINGTON DC —
Mapurisa edivi reLaw and Order paHarare Central Station anonzi ashevedza mumiriri weMakoni South muparamende uye vari munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mudunhu reManicaland VaPishai Muchauraya, achida kuti vange vasvika pakamba iyi neChipiri mangwanani kuti vapindure kumhosva dzavari kupomerwa.
VaMuchauraya vati vaudzwa dzimwe dzemhosva dzavari kupomerwa, dzinosanganisira yekutyisidzira imwe nhengo yebato ravo iri kuda kuvakwikwidza musarudzo dzema primary ebato ravo, VaGeoffrey Nyarota pamwe neyekupa marhedhiyo kuvanhu zviri kunze kwemutemo.
VaMuchauraya vati vanofunga kuti zvose izvi zviri kukonzerwa naVaNyarota, avo vavati vari kuzama zvakasimba kuda kuvaburitsa mudunhu reMakoni South.
VaMuchauraya vari kutiwo VaNyarota vakavasvibisa mubepanhau reHerald vachiti vakasvitsa kuparamende magwaro edzidzo ekunyepa, pamwe nekukanda twumapepa mudunhu reMakoni twaiti ivo VaMuchauraya havasi chizvarwa chedunhu iri, nekudaro vanofanirwa kudzokera kumusha kwavo kuChipinge.
Studio 7 yaedza kubata VaNyarota kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi, asi mumashoko avo VaNyarota vati “apa hapana nyaya.”
Vatiwo havadi kupedza nguva yavo vachitaura nezvenyaya dzisina musoro dzakaita sedziri kutaurwa naVaMuchauraya idzi.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPishai Muchauraya