Vanogaya Upfu Vokurudzira Kuomeserwa kweVanopinza Chibage Munyika

  • Jonga Kandemiiri

Varimi vazhinji vanonzi vari kurambira chibage chavo sezvo mutengo uri kupiwa nevanotenga uri pasi

Sangano revanogaya upfu munyika rinoti riri kukurudzira hurumende kuti idzike mitemo inoomesera vanopinza chibage kubva kunze kwenyika senzira yekuchengetedza varimi vemunyika.

Mutungamiri wesangano revanogaya upfu reGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara, vanoti sangano ravo riri kukurudzira hurumende kuti iise mutero pamusoro pemutero uripo kare pachibage chiri kutengwa kunze kwe nyika, senzira yekukurudzira kuti vanhu nemakambani vasatenga chibage neupfu kubva kunze kwenyika.

VaMusarara vanoti sangano ravo rinoda kuti hurumende itore danho iri kubva kutanga kwaChikunguru kusvika kupera kwaMbudzi, kuitira kuti varimi vemunyika vakwanise kutengesa chibage chavo pasina makwikwi nechinobva kunze kwenyika, icho chinonzi chiri kutengwa nemutengo uri pasi kwazvo.

Vanoti vari pakati pekuita hurukuro nemapoka ane chekuita nenyaya dzekurima kuti vabude nedanho iri, iro vanoti riri kutsigirwa nehurumende.

Varimi vakawanda munyika vanonzi vari kurambira chibage chavo nekuda kwemutengo unonzi uri pasi zvikuru wemazana maviri nemakumi maviri emadhora patani.

Nekuda kwekuti hurumende hainawo mari, GMB haisi kukwanisawo kutenga chibage kubva kuvarimi, izvo zvinonzi zvavasiya mumaoko emakoronyera nevamwe vari kubhadhara mari dziri pasi.

Asi VaMusarara vanoti sangano ravo riri kuita hurukuro nemasangano evarimi kuti mutengo wechibage ukwire kuenda pamadhora ari pakati pemazana matatu negumi nemazana matatu nemakumi mana emadhora patani.

Nyika inonzi iri kutarisira kukohwa chibage chinosvika miriyoni imwe nemazana mana ezviuru zvematani mwaka uno, iyo ichida chibage chinodarika zvishoma matani mamiriyoni maviri.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, avo vari kuEquatorial Guinea kumusangano weAfrican Union uri kukurukura nyaya dzekurima pamwe nechikafu.

Sangano reWorld Food Program raudzawo Studio 7 kuti richakamirira zvakabuda muongororo ichangobva kuitwa yemamiriro akaita nyaya dzechikafu munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Musarara