Sangano reMedia Institute of Southern Africa muZimabwe, MISA-Zimbabwe, rinoti riri kushushikana zvikuru nekunonoka kuvandudzwa kwemitemo inotyora bumbiro idzva remitemo yenyika.
Mugwaro raburitswa nesangano iri, MISA-Zimbabwe inoti gore ratodarika kubva pakatambirwa bumbiro idzva remitemo, asi hapana chimbichimbi iri kuitwa pakugadzirisa mitemo inotyora kodzero dzevanhu.
MISA-Zimbabwe inoti izvi zviri kuita kuti mamwe mapoka akaita semapurisa varambe vachishandisa mitemo iyi mukumbunyikidza kodzero dzevanoita zvenhau pamwe nevanhuwo zvavo nemasangano akazvimirira kuburikidza nekuvarambidza kufora kana kuungana.
MISA-Zimbabwe inotiwo kunyange ichiona basa riri kuitwa nekomiti yeInformation and Media Panel of Inquiry, IMPI, uye kunzwa kukurudzirwa nemutongo wakapiwa nedare reConstitutional Court panyaya yekufumurana, pamwe nekurudziro iri kuramba ichiitwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo yekuti pave nerusununguko mukufambiswa pamwe nekuburitswa kwenhau, mitemo yekare iri kuramba ichimbunyikidza kodzero dzevanhu dziri kukurudzirwa mubumbiro idzva.
Sangano iri rinoti kunyange hazvo IMPI iri kuita basa rekuunganidza pfungwa dzevanhu pamafambisirwo enhau munyika, rinoshuvira kuti zvichaburitswa neIMPI zvichatambirwa zvichigadzirisa zvinetswa zviri kukonzerwa nekusanzwisiswa kwemitemo kuripo pari zvino.
Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko, uye vachishanda vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, avo vakamboshandawo semukuru weMISA-Zimbabwe, vanoti vanotenda zvikuru nedanho ratorwa neMISA-Zimbabwe rekuburitsa gwaro iri.
Asi vanoti sangano iri rinofanirwawo kupfuura ipapo roitawo zvimwe zvinoita kuti mashoko aro abatane pamwe nemamwe ari kutaurwa nemamwe masangano panyaya dzemitemo yezvenhau.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTakura Zhangazha