WASHINGTON DC —
Masangano emagweta ekuchamhembe kweAfrica anoti rePan African Lawyers Union, SADC Lawyers Association neSouthern Africa Litigation Centre aburitsa gwaro rekuti ari kushushikana nekuenderera mberi kwerushusho rwuri kuitwa kumutongi wedare repamusoro Justice Charles Hungwe.
Masangano aya ati izvi zvinonongedza mukuenderera mberi kwekusatevedzerwa pamwe nekuremekedzwa kwemutemo muZimbabwe.
Bepanhau reNewsDay rati rine mashoko ekuti mutongi uyu anenge ambomiswa basa nyaya yake ichiferefetwa.
Bepanhau iri ratiwo Justice Hungwe vakashevedzwa kaviri svondo rino nemukuru wevatongi vematare Chief Justce Godfrey Chidyausiku vachibvunzurudzwa nezvemhosva dzavari kupomerwa.
Hurumende yemubatanidzwa inonziwo haisi kuremekedza mapoka emitemo munyika kuburikidza nekusatora matanho pakushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa vari munyaya dzemitemo mukuita basa ravo, zvikuru nemapepanhau ehurumende.
Justice Hungwe vari kupomerwa mhosva dzekutyora mutemo pamabatiro avakaita nyaya yegweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, nyaya yekushaikwa kwemagwaro ekumatare emumwe musungwa akamirira kutongwa kubva gore ra2003, neimwezve nyaya yevarume vaviri vanonzi vari kunetsana nenyaya yemba.
VaHungwe vakashoropodzwawo zvakanyanya nevamwe vakarerekera kuZanu PF mushure mekunge vapa mvumo kusangano reZimbabwe Anti-Corruption Commission yekuti riongorore makurukota matatu ebato reZanu PF.
Rushusho urwu rwakaitawo kuti masangano akasiyana siyana emunyika anyore magwaro enyunyuto achipomera hurumende mhosva yekusachengetedza vatongi.
Nyanzvi mune zvemitemo uye vari constitutional affairs principal director muhofisi yemutungamiri wehurumende VaTsvangirai, VaJacob Mafume vaudza Studio 7 kuti zvinozivikanwa nemunhu wese kuti kana nyika yatarisana nesarudzo vatongi vematare vanotanga kushungurudzwa kuitira kuti vatevedzere zvinodiwa nebato rimwechete.
Asi mutewedzeri wemukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, uye vari gweta VaPsychology Maziwisa varamba mashoko aVaMafume aya vachiti Justice Hungwe havasi kushungurudzwa sezvo vasiri kuongororwa nevatungamiri venyika kana dare remakurukota, asi kuti mapepanhau everuzhinji.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJacob Mafume pamwe naVaPsychology Maziwisa