Mumwe mushandi webhanga iri asina kuda kudomwa nezita audzawo Studio 7 kuti bhanga ravo rinoita ongororo dzakadai svondo roga-roga vachitarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeupfumi uye kuitirawo kubatsira makasitoma avo.
Kupera kwesimba remari mukutenga zvinhu kwepagore mumwedzi waGumiguru kunonzi kwakaderera zvakanyanyisa kusvika pa 0.59 percent kubva pakatanga kushandiswa mari dzakawanda munyika makore mana apfuura, ichibva pa 0.86 percent.
Nyanzvi mune zveupfumi, vachishanda neLabour and Eeconomic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende inofanirwa kubatana nemakambani akazvimirira kuitira kumutsiridza upfumi.