ZCTU Yoshora Kumiswa kweZvirimwa Kupinda Munyika

  • Jonga Kandemiiri

Zvitoro zvemuZimbabwe zvizhinji zvinotengesa zvirimwa zvekunze kwenyika.

Munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti havafungi kuti hurumende yakafunga zvakadzama apo yakamisa kupinzwa kwezvirimwa zvakaita semiriwo nemichero munyika zvichibva kunze, pamwe nekukanzura marezinesi evari kupinza zvinhu izvi munyika.

VaMoyo vanoti hurumende yaifanirwa kutanga yagara pasi nevamwe vainodyidzana navo kuti inzwewo pfungwa dzavo.

VaMoyo vanoti havaoni varimi vemunyika vachikwanisa kugutsa misika yose, uye vanoona sekunge zvichatonyanyoomera vashandi sezvo mitengo yezvirimwa zvemunyika ichidhura.

Hurumende inoti yaita izvi senzira yekubatsira varimi vemunyika avo vanonzi vari kutadza kumuka nekuda kwekuderera kwemitengo yezvirimwa zvinobva kunze.

Sachigaro weAgricultural and Rural Development Authority, ARDA, VaBasil Nyabadza, vakaudza nhepfenyuro yeZBC neChipiri kuti nyika iri kutenga kubva kunze zvinhu zvakaita sematomati chaiwo, izvo zviri kusiya varimi vemunyika vasisina kwekutengesera zvirimwa zvavo.

Asi VaMoyo vanotiwo dzimwe mhuri dzakamiswa mabasa dzanga dzoraramawo nekupinza zvinhu izvi munyika, zvichireva kuti dzinenge dzarasikirwa zvakare kuburikidza nemutemo uyu.

Zimbabwe yanga ichitenga kubva kunze zvekudya zvakawanda zvinosanganisira miriwo, michero, mukaka, mazai, nyama nechibage senzira yekuwedzera pane zvishoma zviri kuwanikwa munyika, uye nekuda kwekudzikira kwemitengo yazvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJaphet Moyo